Ratidza Kuvimbika kwechiKristu Kana Mumwe Munhu Woukama Akadzingwa
1. Mamiriroi ezvinhu angaedza kuvimbika kwomuKristu?
1 Chisungo chiri pakati penhengo dzemhuri chinogona kuva chakasimba zvikuru. Izvi zvinounza muedzo pamuKristu kana waakaroorana naye, mwana, mubereki, kana kuti imwe hama yepedyo ikadzingwa kana kuti ikazvibvisa musangano. (Mat. 10:37) VaKristu vakavimbika vanofanira kubata sei hama iyoyo? Munhu wacho anofanira kubatwa zvakasiyana kana achigara mumba menyu here? Kutanga, ngationgororei zvinotaura Bhaibheri panhau iyi, zvarinotaura zvacho zvinoshanda zvakaenzana kune vaya vakadzingwa uye kune vaya vakazvibvisa musangano.
2. Maererano neBhaibheri, vaKristu vanofanira kubata sei vaya vakadzingwa muungano?
2 Mabatiro Atinofanira Kuita Vanhu Vakadzingwa: Shoko raMwari rinorayira vaKristu kuti vasafambidzana kana kushamwaridzana nomunhu akadzingwa muungano richiti: “[Regai] kufambidzana nomunhu wose anonzi hama ari chifeve kana munhu anokara kana anonamata zvidhori kana mutuki kana chidhakwa kana gororo, musambodya nomunhu akadaro. . . . Bvisai munhu akaipa pakati penyu.” (1 VaK. 5:11, 13) Mashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 18:17 anoshandawo panyaya yacho anoti: “[Munhu wacho akadzingwa ngaave] kwauri somunhu wemamwe marudzi uye somuteresi.” Vateereri vaJesu vainyatsoziva kuti vaJudha vomuzuva iroro vakanga vasingasonganirani neVaisava vaJudha uye kuti vakanga vasingafambidzani nevateresi vachivaona sevanhu vakaraswa. Saka Jesu akanga achirayiridza vateveri vake kuti vasasonganirana nevanhu vakadzingwa.—Ona Nharireyomurindi yaMarch 15, 1982, mapeji 16-18; yechiRungu yaSeptember 15, 1981, mapeji 18-20.
3, 4. Kusonganirana kworudzii nevanhu vakadzingwa uye vakazvibvisa musangano kusingabvumirwi?
3 Izvi zvinoreva kuti vaKristu vakavimbika havakurukuri zvinhu zvomudzimu nomunhu wose akadzingwa muungano. Asi zvakawanda zvinobatanidzwa. Shoko raMwari rinoti ‘hatifaniri kunyange kudya nomunhu akadaro.’ (1 VaK. 5:11) Nokudaro, tinoregawo kushamwaridzana nomunhu akadzingwa. Izvi zvingareva kusaenda naye kupikiniki, kupati, kumutambo, kana kuenda kunotenga pamwe chete kana kuti kubhaisikopo kana kudya zvokudya pamwe chete naye pangava pamba kana muresitorendi.
4 Zvakadini nokutaura nomunhu akadzingwa? Kunyange Bhaibheri risingatauri mamiriro ezvinhu ose angavapo, 2 Johani 10 inotibatsira kuona maonero anoita Jehovha nhau okuti: “Kana munhu akauya kwamuri akasaunza dzidziso iyi, musambomugamuchira mudzimba dzenyu kana kumukwazisa.” Ichitsanangura izvi, Nharireyomurindi yaMarch 15, 1982, peji 23, inoti: ‘Kungoti “Kwaziwa” kune mumwe munhu kunogona kuva nhanho yokutanga inoita kuti mutange kukurukurirana uye kunyange kuva noushamwari. Tingada kuita nhanho yokutanga iyoyo nomunhu akadzingwa here?’
5. Munhu anorasikirwa nechii kana akadzingwa?
5 Chokwadi, zvakangoita sezvinotaurwa papeji 30 yemagazini yeNharireyomurindi iyoyo kuti: ‘Chokwadi ndechokuti apo muKristu anoita chivi uye achifanira kudzingwa, iye anorasikirwa nezvakawanda: Kudiwa kwaanoitwa naMwari; . . . kushamwaridzana kwakanaka nedzimwe hama, kusanganisira yakawanda yesonganiro yaaiva nayo nevaKristu vaane ukama navo.’
6. MuKristu anofanira kugura zvachose kusonganirana nomunhu woukama akadzingwa waanogara naye muimba imwe chete here? Tsanangura.
6 Muchigara Mose Muimba Imwe chete: Izvi zvinoreva here kuti vaKristu vanogara muimba imwe chete nomumwe womumhuri akadzingwa vanofanira kurega kutaura naye, kudya naye, uye kusonganirana naye sezvavanoita mabasa avo ezuva nezuva? Nharireyomurindi yaApril 15, 1991, pamashoko omuzasi ari papeji 22, inoti: ‘Kana mumhuri yechiKristu mune mumwe munhu akadzingwa, iyeye achiri kubatanidzwa mumabasa nenhau dzezuva nezuva zvemhuri.’ Saka zvichasiyirwa kunhengo dzemhuri kuti dzisarudze kuti mumwe womumhuri mavo uyu akadzingwa angabatanidzwa zvakadini pakudya kana pakuita mamwe mabasa omumba. Asi vangasada kuita kuti hama dzavanosonganirana nadzo dzifunge kuti zvinhu zvose zvichakangoita sezvazvakanga zviri asati adzingwa.
7. Ushamwari hwomudzimu hunochinja sei mumusha kana nhengo yemhuri ikadzingwa?
7 Zvisinei, maererano nomunhu akadzingwa kana akazvibvisa musangano, Nharireyomurindi yaMarch 15, 1982, papeji 26, inoti: ‘Zvaichimbova zvisungo zvomudzimu zvakagurwa chose chose. Izvi ndezvechokwadi kunyange pamusoro pehama dzake dzokunyama, kusanganisira vaya vomumhuri make chaivo. . . . Izvozvo zvichareva kuchinja muushamwaridzani hwomudzimu hungave huri mumusha macho. Somuenzaniso, kana murume akadzingwa, mudzimai wake nevana havasati vachizofara kuti iye aitise chidzidzo cheBhaibheri chemhuri kana kuti atungamirire kuverenga Bhaibheri uye kupa munyengetero. Kana achida kunyengetera, zvakadai sepanguva yokudya, iye ane kodzero yokuita kudaro mumba make. Asi ivo vanogona kunyengetera chinyararire pachavo kuna Mwari. (Zvir. 28:9; Pis. 119:145, 146) Zvakadini kana munhu akadzingwa ari mumusha achida kuvapo mhuri painoverenga Bhaibheri pamwe chete kana kuti painova nechidzidzo cheBhaibheri? Vamwe vangamurega achivapo kuti ateerere kana iye asati achizoedza kuvadzidzisa kana kuti kutaura pfungwa dzake dzechitendero.’
8. Vabereki vechiKristu vane mutoroi pamusoro pomwana muduku akadzingwa anogara mumusha?
8 Kana mwana muduku anogara mumusha akadzingwa, vabereki vechiKristu vachine mutoro wokumuriritira. Nharireyomurindi yaNovember 15, 1988, papeji 20, inoti: ‘Sezvo vachapfuurira kumugovera zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara, vanofanira kumurayiridza nokuranga maererano neShoko raMwari. (Zvir. 6:20-22; 29:17) Saka vabereki vane rudo vangaronga kuva nechidzidzo cheBhaibheri chepamusha naye, kunyange iye akadzingwa. Zvimwe acharuramiswa zvinobatsira zvikuru pavanodzidza naye ari oga. Kana kuti vangasarudza kuti anogona kuramba achigoverana muurongwa hwokudzidza semhuri.’—Onawo Nharireyomurindi yaOctober 1, 2001, mapeji 16-17.
9. MuKristu anofanira kuonana zvakadini nehama yake yakadzingwa isingagari mumusha?
9 Voukama Vasingagari Muimba Imwe Chete: ‘Mamiriro acho ezvinhu akasiyana kana akadzingwa kana kuti akazvibvisa musangano ari munhu woukama asingagari mumusha imomo,’ inodaro Nharireyomurindi yaApril 15, 1988, peji 28. ‘Zvingabvira kusatomboonana zvachose nehama yacho. Kunyange kana dai paine nhau dzemhuri dzinoda kuti vanhu vaonane, zvechokwadi dzaizochengetwa dziri shoma,’ maererano nomurayiro waMwari wokuti ti“rege kufambidzana nomunhu wose” anoita chivi asingapfidzi. (1 VaK. 5:11) VaKristu vakavimbika vanofanira kuedza kurega kusonganirana kusingakoshi nehama yakadaro, kunyange kuita kuti nhau dzebhizimisi dzive shoma zvikuru.—Onawo Nharireyomurindi yaMarch 15, 1982, mapeji 28-29.
10, 11. MuKristu achafungei asati abvumira hama yake yakadzingwa kuuya kuzogara mumusha make?
10 Nharireyomurindi yacho yakataura mamwe mamiriro ezvinhu angamuka ichiti: ‘Zvakadini kana hama yepedyo, yakadai somwanakomana kana kuti mubereki asingagari mumusha, ikadzingwa uye gare gare ichida kudzokeramo? Mhuri ingagona kusarudza chokuita zvichitsamira pamamiriro acho ezvinhu. Somuenzaniso, mubereki akadzingwa angava achirwara kana kuti asingachakwanisi kuzvitarisira mune zvemari kana kuti mune zvoutano. Vana vechiKristu vane mutoro wepaMagwaro uye wetsika wokubatsira. (1 Tim. 5:8) . . . Chinoitwa chingatsamira pazvinhu zvakadai sezvinodikanwa chaizvo zvomubereki wacho, mafungiro ake uye kuva nehanya kunoratidzwa nomusoro wemba nokuda kwokugara zvakanaka mumudzimu kwemhuri yake.’—Nharireyomurindi yaMarch 15, 1982, mapeji 27-8.
11 Kana ari mwana, nyaya imwe chete inoenderera mberi ichiti: ‘Pane dzimwe nguva vabereki vechiKristu vakabvuma kuti mwana akadzingwa uyo airwara mumuviri kana kuti mupfungwa adzoke mumusha. Asi muchinoitika chimwe nechimwe vabereki vanogona kuyera mamiriro ezvinhu omunhu wacho. Mwanakomana akadzingwa aigara ari oga zvake, uye zvino haachakwanisi kuita kudaro here? Kana kuti anoda kudzoka zvikurukuru nemhaka yokuti hungava upenyu huri nyore zvikuru here? Zvakadini nezvetsika dzake uye maitiro? Achapinza “mbiriso” mumusha here?—VaG. 5:9.’
12. Urongwa hwokudzinga hunobatsirei?
12 Kubatsira Kunoita Kuvimbika Kuna Jehovha: Kushandira pamwe nourongwa hweMagwaro hwokudzinga uye kusiyana nevaiti vezvakaipa vasingapfidzi kunobatsira. Kunochengetedza rucheno rweungano uye kunotizivisa sevatsigiri vetsika dzakaisvonaka dzeBhaibheri. (1 Pet. 1:14-16) Kunotidzivirira pane zvinhu zvinoshatisa. (VaG. 5:7-9) Kunopawo muiti wezvakaipa mukana wokubatsirwa zvizere nechirango chaanowana, chingamubatsira kuva ne“chibereko chine rugare, iko kururama.”—VaH. 12:11.
13. Imwe mhuri yakagadziridza chii, zvikaguma nei?
13 Pashure pokunzwa hurukuro pane rimwe gungano redunhu, imwe hama nehanzvadzi yayo vakaziva kuti vaifanira kuchinja nzira yavakanga vachibata nayo amai vavo, vakanga vachigara kune imwe nzvimbo uye vakanga vakadzingwa kwemakore matanhatu. Gungano richangopera, murume wacho akadana amai vake, uye vavavimbisa nezvokuvada kwavanoita, akatsanangura kuti vaisagona kuramba vachitaura navo kunze kwokuti kana paiva nenhau dzemhuri dzinokosha dzaida kuti vaonane. Pasina nguva refu, amai vake vakatanga kupinda misangano ndokuzodzorerwa. Uyewo, murume wavo akanga asingatendi akatanga kudzidza uye nokufamba kwenguva akabhabhatidzwa.
14. Nei tichifanira kutsigira nokuvimbika urongwa hwokudzinga?
14 Kutsigira nokuvimbika urongwa hwokudzinga huri muMagwaro kunoratidza kuda kwatinoita Jehovha uye kunopa mhinduro kune uyo ari kuMushora. (Zvir. 27:11) Kana zvadaro, tinogona kuvimba nechikomborero chaJehovha. Mambo Dhavhidhi akanyora nezvaJehovha kuti: ‘Kana zviri zvaakatema, handina kutsauka kwazviri. Wakavimbika munomuitirawo nokuvimbika.’—2 Sam. 22:23, 26.