RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 8/15 p. 8
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Mabatiro Atinofanira Kuita Munhu Akadzingwa
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Ratidza Kuvimbika kwechiKristu Kana Mumwe Munhu Woukama Akadzingwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Tinofanira Kuda Jehovha Kupfuura Vanhu Vemumhuri
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Tevedzera Ngoni dzaMwari Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 8/15 p. 8

MIBVUNZO INOBVA KUVAVERENGI

Zvakakodzera here kuti vabereki vane mwana akadzingwa vagare naye pamisangano yeungano?

Hatifaniri hedu kunetseka kuti munhu akadzingwa anofanira kugara papi muImba yoUmambo. Magazini ino yakakurudzira yakurudzirazve vabereki vechiKristu kuti vabatsire pakunamata mwana akadzingwa anenge achiri kugara navo pamba kana vachiona zvakakodzera. Sezvinoratidzwa papeji 19 ne20 yeNhariyeyomurindi yaNovember 15, 1988, vabereki vanogona kutodzidza Bhaibheri nemwana wavo muduku akadzingwa wavachiri kugara naye pamba. Tarisiro inenge iri yokuti mwana wacho akurudzirwe kururamisa nzira yake.

Paurongwa hwekugara muImba yoUmambo, zvingava zvine musoro kuti mwana muduku akadzingwa agare chinyararire nevabereki vake. Sezvo usiri mutemo kuti munhu akadzingwa anofanira kugara kumashure muImba yoUmambo, hazvirambidzwi kuti mwana akadzingwa agare chero panenge pakagara vabereki vake. Sezvo vabereki vaine hanya nekunamata kwemwana wavo, vangada kuva nechokwadi chokuti ari kubatsirwa zvizere nemisangano. Kana vakagara nemwana wavo zvichabatsira chaizvo pane kuti vasiye mwana muduku akagara kwake oga vasingamuoni.

Ko kana mwana wacho akadzingwa asingachagari nevabereki vake? Zvinoreva here kuti havachafaniri kugara naye pamisangano yeungano. Munguva yakapfuura, magazini ino yakanyatsojekesa zvinofanira kuitwa nemuKristu panyaya yokuwadzana nemunhu woukama akadzingwa ava kugara kwake ega.a Zvisinei, kuti munhu akadzingwa agare hake akanyarara pedyo nevoukama pavanenge vari pamusangano kwakasiyana nekuti hama dzake dzimutsvage kuti dzishamwaridzane naye. Kana vemumhuri vaine maonero akanaka kuhama yavo yakadzingwa uye vachiedza kutevedzera zano remuMagwaro rekusadyidzana naye pangasava nechakaipa.—1 VaK. 5:11, 13; 2 Joh. 11.

Kana munhu akadzingwa akagara newoukama kana kuti mumwewo munhu ari muungano, hapana chakaipa chero bedzi achiita zvinofanira kuitwa nevakadzingwa. Kurambidza munhu kugara paanoda kunogona kukonzera zvinetso zvakasiyana-siyana, zvichienderana nemamiriro acho ezvinhu. Kana vose varipo, kusanganisira voukama vasina kudzingwa vachiremekedza zvinotaurwa neBhaibheri nezveurongwa hwekudzinga, uye kana zvisingagumburi hama, panenge pasina chikonzero chekunetseka nekugara kunoita vanhu pamisangano yechiKristu.b

a Ona Nharireyomurindi yeChirungu, yaSeptember 15, 1981, mapeji 29 ne30.

b Mashoko aya anogadziridza akabudiswa muNharireyomurindi yechirungu yaApril 1, 1953, peji 223.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe