RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/02 p. 1
  • Kubatsira Vamwe Kuti Varumbidze Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatsira Vamwe Kuti Varumbidze Jehovha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Shoko Ratinofanira Kuzivisa
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Nei Tichifanira Kushandisa Zita raMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Itya Jehovha Uye Rumbidza Zita Rake Dzvene
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Zita raMwari
    Mukai!—2017
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 9/02 p. 1

Kubatsira Vamwe Kuti Varumbidze Jehovha

1 Vanhu vari kuziviswa mashoko anokosha pasi pose anoti: “Ityai Mwari mumupe mbiri, nokuti awa yokutonga kwake yasvika, nokudaro namatai Iye akasika denga nepasi negungwa nezvitubu zvemvura.” (Zvak. 14:6, 7) Iropafadzo yedu kuitawo basa iroro. Vanhu vanofanira kuzivei nezvaJehovha kuti vamutye ndokumunamata?

2 Zita Rake: Vanhu vanofanira kukwanisa kutsauranisa Mwari wechokwadi bedzi vachishandisa zita rake kubva pana vanamwari venhema vakawanda vanonamatwa nhasi. (Dheut. 4:35; 1 VaK. 8:5, 6) Chokwadi, vanyori veBhaibheri vakashandisa zita raJehovha rakaisvonaka kanodarika ka7 000. Kunyange tichiratidza kunzwisisa kuti ndirini patingazivisa zita raMwari, hatifaniri kumboriviga kana kuti kurega kurishandisa. Kuda kwaMwari kuti vanhu vose vasvike pakuziva zita rake.—Pis. 83:18.

3 Zvaari: Vanhu vanofanira kuziva kuti Jehovha ndiMwari worudzii kuti vagomurumbidza. Tinofanira kuita kuti vazive rudo rwake runoshamisa, uchenjeri hwake hukuru, kururamisira kwake kwakakwana, uye simba rake guru, pamwe nengoni dzake, mutsa une rudo, uye humwe unhu hwakaisvonaka. (Eks. 34:6, 7) Vanofanirawo kudzidza kutya Mwari kwakanaka, kumuremekedza, vachiziva kuti upenyu hwavo hunobva pakudiwa naJehovha.—Pis. 89:7.

4 Kuswedera Pedyo naMwari: Vanhu vanofanira kudana pana Jehovha mukutenda, kuti vapone pakutonga kwaMwari kuri kuuya. (VaR. 10:13, 14; 2 VaT. 1:8) Izvi zvinosanganisira zvinodarika kungowana zivo yezita raMwari uye unhu hwake. Tinofanira kubatsira vanhu kukudziridza ukama hwavo naJehovha, vachivimba naye nomwoyo wavo wose. (Zvir. 3:5, 6) Sezvavanoshandisa zvavanodzidza, zvavanonyengetera kuna Mwari nomwoyo wose, uye zvavanobatsirwa naye muupenyu hwavo, kutenda kwavo kuchawedzera, kuchivabatsira kuswedera pedyo naJehovha.—Pis. 34:8.

5 Ngatizivisei zita raMwari nokushingaira tobva tabatsira vamwe kuti vavimbe naye zvakazara uye vamutye. Zvimwe tingakwanisa kubatsirazve vamwe vakawanda kusvika pakuziva Jehovha ndokumurumbidza sa“Mwari muponesi” wavo.—Pis. 25:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe