Rumbidza Jehovha Nokupupurira Zvisina Kurongwa
1 Vashumiri vaJehovha vakavimbika vanotsvaka mikana yokumurumbidza nayo zuva rimwe nerimwe. (Pis. 96:2, 3; VaH. 13:15) Imwe nzira yatingaita nayo izvozvo ndeyokupupurira zvisina kurongwa. Mazuva ano vanamati vaJehovha vakawanda vanoonga kuti mumwe munhu akatanga kuvaudza shoko roUmambo nokupupurira zvisina kurongwa.
2 Kupupurira munhu mumwe zvisina kurongwa kunowanzozarura nzira yokuti vamwe vanzwe shoko roUmambo. Somuenzaniso, kukurukurirana kwaJesu nomukadzi weSamariya patsime raJakobho kwakaita kuti vamwe vakawanda vafarire mashoko akanaka. (Joh. 4:6-30, 39-42) Pauro naSirasi pavaiva mujeri muFiripi, vakapupurira murindi wejeri, uye mhuri yose yomurume wacho yakagamuchira chokwadi.—Mab. 16:25-34.
3 Mikana: Une mikana yakadini yokupupurira zvisina kurongwa? Vamwe vanoita kudaro pavanenge vachitenga, vachifamba nechifambiso chavose, kana kuti vakamirira kuona chiremba. Vamwe vanokwanisa kupupura panguva yokumbozorora kubasa kana kuti kuchikoro. Kungova nerimwe remabhuku edu eBhaibheri richioneka kungaita kuti vamwe vade kuziva nezvezvitendero zvedu.—1 Pet. 3:15.
4 Matangiro: Kasikana kane makore manomwe kainyara kakanzwa kumisangano kuti zvinokosha zvikuru kuti tose tiparidze. Saka pakaienda kunotenga naamai vako, kakaisa mabhurocha maviri mubhegi rako. Amai vako pavaiva vakabatikana pakaunda, kasikana kacho kakagovera mumwe mukadzi bhurocha, uyo akarigamuchira nomutsa. Pakakabvunzwa kuti kakawana sei ushingi hwokutaura nomukadzi uyu, kasikana kokunyara aka kakapindura kuti: “Ndakangozviti, Gadzirira, Chienda! Ndokubva ndaenda!”
5 Kuti tipupurire zvisina kurongwa, tose tinoda kuita sekasikana aka. Chii chingatibatsira? Nyengeterera ushingi hwokutaura. (1 VaT. 2:2) Iva nomubvunzo kana kuti mashoko mupfungwa dzako enyaya inofarirwa yaungagona kushandisa kutanga kukurukurirana. Zvadaro vimba kuti Jehovha achakomborera zvaunoita.—Ruka 12:11, 12.
6 Kupupurira zvisina kurongwa kuvanhu vatinosangana navo zuva nezuva kunounza rumbidzo kuna Jehovha uye kunotipa mufaro. Kungabatsira mumwe munhu kupinda mumugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi.