Kugovera Mabhuku Mundima Ine Mitauro Yakawanda
1. Nei ungano dzakawanda dzichida mabhuku omutauro wokumwe?
1 Munzvimbo dzakawanda, munda wava nevanhu vanobva kune dzimwe nyika. Vakawanda veava vanokurumidza kudzidza uye vanonzwisisa zvikuru kana vakadzidziswa mumutauro waamai vavo. Urongwa hupi huripo hwokugovera vanofarira mabhuku eBhaibheri mumutauro wavanonzwisisa zvakanaka?
2. Kushandira pamwe kupi kunodiwa kana ungano mbiri kana kupfuura dzinotaura mitauro yakasiyana dzichishanda ndima imwe chete?
2 Panofanira Kugoverwa Mabhuku: Apo ungano mbiri kana kupfuura dzinotaura mitauro yakasiyana dzinoshanda ndima imwe chete, matare evakuru anobatanidzwa achashandira pamwe nevatariri vebasa kuita urongwa hunogamuchirwa neungano imwe neimwe kuitira kuti boka rimwe nerimwe romutauro rigone kupupurirwa zvakakwana. Pakuparidza pamba nemba, kazhinji vaparidzi havazogoveri mabhuku mumutauro wedzimwe ungano. Zvisinei, vaparidzi pavanopupurira zvisina kurongwa kana kuti munzvimbo dzine vanhu vakawanda, vangagovera mabhuku mumitauro yomunzanga yacho.—Ona Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1990.
3. Ndirini apo ungano ingachengeta mabhuku omutauro wokumwe?
3 Panofanira Kuchengetwa Mabhuku: Chii chingaitwa kana munharaunda mune vanhu vakati wandei vanotaura mutauro wokumwe asi pasina ungano inotaura mutauro iwoyo? Mumamiriro ezvinhu akadaro, ungano dzingachengeta mabhuku mashomanana anokosha anowanika mumutauro iwoyo, zvakadai sematurakiti, mabhurocha aAnodei naShamwari yaMwari, uye bhuku raZivo. Vaparidzi vangagovera mabhuku aya pose pavanoona vanhu vanogona kuverenga mutauro iwoyo.
4. Mabhuku ari mumutauro usingachengetwi neungano angawanikwa sei?
4 Kuodwa Kungaitwa Mabhuku: Kana ungano isingachengeti mabhuku mumutauro unoverengwa nomunhu anofarira, mabhuku mumutauro iwoyo angawanikwa sei? Muparidzi anofanira kubvunza mutarisiri wemabhuku kuti aone kuti mabhuku api anowanikwa mumutauro iwoyo kuitira kuti mabhuku anodiwa agone kuodwa paodha yemabhuku eungano inotevera.
5. Nei mabhuku omutauro wokumwe achifanira kukurumidza kuodwa nokuendeswa kune vanoada?
5 Kana mabhuku akadaro omutauro wokumwe achidiwa, zvinokosha kukurumidza kuanyoresa kudhipatimendi remabhuku. Izvi imhaka yokuti mabhuku omutauro wokumwe anowanzoda kuodwa kumapazi okune dzimwe nyika naizvozvo zvinotora nguva yakareba kuti asvike kupfuura zvinoita odha dzenguva dzose. Mabhuku aya kana agamuchirwa, zvaizova zvakanaka kuaendesa nokukurumidza sezvinobvira kuvanhu vanofarira vatakaona vanoshandisa mutauro uyu. Izvi zvichavabatsira kuona kuti tiri sangano remarudzi akawanda rine chido chokuudza mashoko akanaka kuvanhu “vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.”—Zvak. 7:9.
6. Chinangwa chedu ndechei mukuita kuti mabhuku echiKristu awanikwe?
6 Ngatishandisei zvakanaka mabhuku echiKristu kubatsira ‘vanhu vose kusvika pazivo yakarurama yechokwadi uye kuti vaponeswe,’ pasinei nomutauro wavo.—1 Tim. 2:3, 4.