Shandisa Mabhuku Edu Nokuchenjera
1 Kushandisa kwedu mabhuku kwakarongwa kwakatanga nokuparadzirwa kwemakopi 6 000 emagazini yeNharireyomurindi yaJuly 1, 1879. Kubvira ipapo, mabhuku akawanda akasiyana-siyana ave achidhindwa nokuparadzirwa akawanda zvikuru.
2 Gadziriro yakakwana yomupiro. Kutanga kwaNovember 1999, zvakatsanangurwa kuti magazini nemabhuku zvichagoverwa kuvaparidzi uye kune vanhu vanofarira zvichitsamira pagadziriro yakakwana yomupiro, ndiko kuti, pasina kukumbira kana kuti kutaura kuti mupiro wakananga unofanira kubviswa kuti munhu azowana chimwe chinhu. Mabhuku paanenge agoverwa, mipiro yokuzvidira ichagamuchirwa kutsigira basa rokuparidza mashoko akanaka munyika yose. Tinotenda kuti Jehovha achakomborera gadziriro iyi.—Enzanisa naMateu 6:33.
3 Kubata nemamiriro ezvinhu mumunda. Kuedza kwose kunofanira kuitwa kuita kuti vanhu vafarire. Pasina kuratidzwa kufarira, hapana chikonzero chokugovera bhuku. Hatidi kutambisa api neapi emabhuku edu nokuagovera kuna vaya vasingafariri. (Isa. 26:10; Mat. 7:6) Kune rumwe rutivi, kana zvaoneka kuti kufarira kuripo uye saimba wacho abvuma kurava bhuku racho, ringagoverwa. Tinoda kushandisa mabhuku edu nokuchenjera.
4 Kutaura kunotevera ndokwaungaita pashure pokuratidza bhuku kuti: “Kana muchifara kurava bhuku iri, ndaizofara kukusiyirai.” Zvimwe saimba wacho achabvunza kuti: “Rinoita marii?” Ungapindura kuti: “Hatisi kuita bhizimisi. Hatisi kutengesa mabhuku aya. Basa ratiri kuita munharaunda yenyu nhasi riri kuitwa nokuzvidira munyika 233 pasi pose kubatsira vanhu kudzidza nzira yokuenda nayo kuupenyu husingaperi. Kana muchida kupa mupiro kubasa iri, ndaizofara kuugamuchira.”
5 Pane kufarira kwechokwadi here? Zviri pachena kuti hachisi chinangwa chedu chokuparadzira mabhuku zvachero. Tinoda kuti mabhuku acho apedze chinangwa chawo chaicho, chiya, chokubetsera vanhu vepachokwadi kudzidza zvakawanda pamusoro pezvinangwa zvaJehovha zvinoshamisa. Kwaizova kutambisa mabhuku kuasiyira vanhu vasingaongi zvinhu zvomudzimu. (VaH. 12:16) Kuparadzirwa kwemabhuku kunobudirira kunotsamira pamano ako okuziva kufarira kwechokwadi. Kufarira kwakadaro kungaratidzirwa sei? Kuda zvikuru kwomutsa kukurukurirana newe chiratidzo chakanaka. Kana kuti kunyatsoteerera paunenge uchitaura, kupindura mibvunzo, nokutaura mafungire ake zvinoratidza kubatanidzwa mukukurukurirana kwacho. Kutaura kwauri nenzira yokuremekedza, yakanaka kunoratidza pfungwa yomutsa. Kufambirana newe sezvaunorava muBhaibheri kunoratidza kuremekedza Shoko raMwari. Kazhinji, zvinobetsera zvikuru kubvunza kana vachizorava mabhuku avanenge vagoverwa. Uyewo, ungataura nezveshanyo yokudzoka kuti upfuuridzire kukurukurirana kwacho. Mhinduro yakanaka ndohumwezve uchapupu hwokufarira kwavo. Paunocherechedza uchapupu hwakadaro hwokufarira kwapachokwadi, zvimwe munhu wacho achashandisa zvakanaka mabhuku chero api aanenge awana.
6 Kugadzirisa uku mumashandire edu kunopa humwezve uchapupu hwokuti “hatisi vashambadzi veshoko raMwari.” (2 VaK. 2:17) Kunoratidzawo kuti takasiyana nenyika.—Joh. 17:14.
7 Nokuparadzwa kweBhabhironi Guru kuri kuswedera pedyo, kune dzvinyiriro dzinowedzera pamasangano ezvitendero zvose. Chatine hanya nacho zvikuru ndechokuti basa rinokosha rokuparidza Umambo munyika yose ripfuurire kufambira mberi pasina chinodzivisa, richiita kuti vamwe vakawanda vaponeswe.—Mat. 24:14; VaR. 10:13, 14.