Basa Rinozorodza
1 Shoko reBhaibheri rinozorodza vose vanorigamuchira vorishandisa muupenyu hwavo. (Pis. 19:7, 8) Rinovabatsira kusununguka padzidziso dzenhema nepamiitiro inokuvadza uye rinopa tariro yakavimbika yenguva yemberi. Zvisinei, vaya vanogamuchira mashoko akanaka handivo chete vanobatsirwa. Vaya vanoudza vamwe chokwadi cheBhaibheri chinozorodza ivo pachavo vanozorodzwawo.—Zvir. 11:25.
2 Kusimbiswa Noushumiri: Jesu akati vaya vanogamuchira joko rokuva mudzidzi wechiKristu, iro rinosanganisira basa rokuparidza nokuita vadzidzi, vaizo“wana zororo remweya” yavo. (Mat. 11:29) Iye pachake akaona kupupurira vamwe kuchisimbisa. Kwaiva kwakaita sezvokudya kwaari. (Joh. 4:34) Paakatuma vadzidzi 70 kunoparidza, vakafara sezvavakaona Jehovha achitsigira basa ravo.—Ruka 10:17.
3 Nhasi vaKristu vakawanda vanosimbiswawo nokushanda kwavanoita mubasa rokuparidza. Imwe hanzvadzi yakati: “Ushumiri hunozorodza nokuti hunopa upenyu hwangu gwara nechinangwa. Zvinetso zvangu nokunetseka mupfungwa kwezuva nezuva zvinombokanganwika pandinoita basa racho.” Mumwe mushumiri anoshingaira akati: “Ushumiri . . . hunoita kuti Jehovha ave chaiye kwandiri zuva nezuva uye hunondipa rugare nekamwe kamufaro komukati momwoyo kasingagoni kuwanikwa nedzimwe nzira.” Tine ropafadzo yakakura kwazvo yokuva “vashandi pamwe naMwari”!—1 VaK. 3:9.
4 Joko raKristu Nderomutsa: Kunyange vaKristu vachikurudzirwa ‘kuzvishandisa nesimba,’ Jesu haarayiri zvinopfuura zvatinokwanisa kupa. (Ruka 13:24) Zvechokwadi, anotikoka norudo kuti ‘tipinde mujoko rake pamwe naye.’ (Mat. 11:29, Ref, mashoko omuzasi) Vaya vanorwisana nemamiriro ezvinhu akaoma vangava nechokwadi chokuti basa ravo romwoyo wose, kunyange risina kuwanda, rinonyatsofadza Mwari.—Mako 14:6-8; VaK. 3:23.
5 Zvinozorodza zvikuru kushumira Mwari anokoshesa zvose zvatinoita nokuda kwezita rake! (VaH. 6:10) Nguva dzose ngatiedzei kumupa zvakanakisisa zvedu.