Kurumbidzwa Kunozorodza
1 “Ndanga ndisiri musikana akanaka here nhasi?” kasikana kacho kakapfikura kachidaro panguva yokurara. Mubvunzo iwoyo wakashamisa amai vako. Pasinei nokuti vakanga vacherechedza kuti kasikana kavo kakanga kaedza zvakaoma sei kuzvibata musi iwoyo, vakanga vasina kutaura kunyange shoko rimwe rokurumbidza. Misodzi yekasikana aka inofanira kushanda sechiyeuchidzo chokuti tose zvedu—vaduku nevakuru—tinoda kurumbidzwa. Tinozorodza vaya vakatipoteredza nokuonga zvakanaka zvavanoita here?—Zvir. 25:11.
2 VaKristu vatinonamata navo vanotipa zvikonzero zvakanaka zvakawanda zvokuvarumbidza. Vakuru, vashumiri vanoshumira, uye mapiyona vanoshanda nesimba kuti vaite mabasa avo. (1 Tim. 4:10; 5:17) Vabereki vanotya Mwari vanoita nepavanogona napo kurera vana vavo munzira dzaJehovha. (VaEf. 6:4) Pwere dzechiKristu dzinorwa zvakasimba kuti dzisava no“mudzimu wenyika.” (1 VaK. 2:12; VaEf. 2:1-3) Vamwe vanoshumira Jehovha nokutendeka pasinei nokukwegura, zvinetso zvoutano, kana kuti mimwe miedzo. (2 VaK. 12:7) Vose vakadaro ivavo vanoda kurumbidzwa. Tinoziva mabasa avo anofanira kurumbidzwa here?
3 Somunhu Oga uye Zvakananga: Tose tinofarira zvechokwadi kunzwa tichirumbidzwa kubva pachikuva. Zvisinei, kurumbidzwa kunotozorodza zvikuru kana kukataurwa zvakananga kwatiri somunhu oga. Somuenzaniso, muchitsauko 16 chetsamba yake kuvaRoma, Pauro akarumbidza zvakananga Febhi, Priska naAkwira, Tirifena naTirifosa, uye Pesisi, pamwe chete nevamwe. (VaR. 16:1-4, 12) Mashoko ake anofanira kuva aizorodza zvikuru vakatendeka ivavo! Kurumbidza kwakadaro kunovimbisa hama dzedu nehanzvadzi kuti dzinodiwa uye kunobatsira kutiswededza pedyo napedyo. Wakamborumbidza mumwe munhu zvakananga here nguva pfupi yapfuura?—VaEf. 4:29.
4 Zvinobva Pamwoyo: Kurumbidza kunofanira kubva pamwoyo kuti kuzorodze zvechokwadi. Vanhu vanogona kuona kana tiri kutaura zvinobva pamwoyo kana kuti tiri kungo‘taura zvokubata kumeso norurumi.’ (Zvir. 28:23) Sezvatinozvidzidzisa kuona zvakanaka mune vamwe, mwoyo yedu ichaitwa kuti ide kurumbidza. Ngativei vakasununguka kurumbidza zvepachokwadi, tichiziva kuti “shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei!”—Zvir. 15:23.