Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokuvarumbidza
1 Kurumbidza nomwoyo wose kunokurudzira vanhu, kwoita kuti vaite chimwe chinhu, uye kwoita kuti vafare. Vaparidzi vakawanda vakaona kuti kungotaura mashoko mashomanana okurumbidza nomwoyo wose kunowanzobatsira kuti vanhu vateerere muushumiri. Tingarumbidza sei vanhu sezvatinoedza kuvaudza mashoko akanaka?
2 Cherechedza: Jesu Kristu akakwidziridzwa akacherechedza zvakanaka zvaiitwa neungano nomwe dzomuAsia Minor. (Zvak. 2:2, 3, 13, 19; 3:8) Saizvozvowo, kunyatsofarira vanhu vatinosangana navo muushumiri hwedu kuchaita kuti titsvake mikana yokuvarumbidza. Somuenzaniso, chivanze chinochengetwa chakachena, mubereki anoratidza kuti anoda vana vake, kana kuti saimba anonyemwerera uye anokwazisa zvine ushamwari zvose izvi zvinotipa mukana wokurumbidza. Unokurumidza kucherechedza zvinhu zvakadaro ndokushandisa mikana yacho here?
3 Iva Muteereri Akanaka: Paunoparidzira vamwe, ita kuti vataure zvavanofunga nokuvabvunza mibvunzo yakakodzera. Varemekedze nokunyatsoteerera zvavanotaura. (VaR. 12:10) Zvichida, uchawana chimwe chinhu chaungavarumbidza nezvacho nomwoyo wose, zvadaro wotangira ipapo pane zvamunobvumirana.
4 Iva Anonzwisisa: Chii chatinofanira kuita kana saimba akataura chimwe chinhu chisingapindirani nechokwadi cheBhaibheri? Pane kuramba zvataurwa, muonge nezvaataura, zvichida woti, “Ndiri kuona kuti makanyatsofungisisa nezvenyaya iyi.” (VaK. 4:6) Kunyange kana munhu aine nharo, kazhinji tinogona kumurumbidza nokuti anonyatsofarira nyaya yacho. Unhu hwakadaro hwokuzvininipisa hungaita kuti mumwe munhu anoita seanoshora zvikuru mashoko akanaka ade kuziva.—Zvir. 25:15.
5 Kuti kurumbidza kwacho kukurudzire, tinofanira kuzviita nomwoyo wose. Kutaura mashoko akadaro anovaka kunokudza Jehovha uye kungaita kuti vamwe vade mashoko oUmambo.