RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/03 p. 4
  • Kukudziridza Ukama Hwepedyo naJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukudziridza Ukama Hwepedyo naJehovha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • “Swederai Pedyo naMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Shandira Kuva Noukama naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Ushamwari Hwako naJehovha Hwakasimba Zvakadii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Ramba Uchifambira Mberi Mumudzimu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 11/03 p. 4

Kukudziridza Ukama Hwepedyo naJehovha

1. Imwe hanzvadzi yakasvika pakuziva chii pamusoro pepurogiramu yayo yezvokunamata?

1 “Ndave ndiri muchokwadi kweanenge makore 20 adarika nokungoenda kumisangano uye kuita ushumiri hwomumunda,” yakabvuma kudaro imwe hanzvadzi yechiKristu. Zvisinei, inoenderera mberi ichiti: “Ndasvika pamhedziso yokuti kunyange zvazvo zvinhu izvi zvichikosha, izvo zvoga hazvigoni kunditsigira apo zvinhu zvinotanga kuoma. . . . Zvino ndinoziva kuti ndinofanira kugadzirisa kufunga kwangu ndotanga purogiramu yokudzidza ine chinangwa kuitira kuti ndigone kusvika pakunyatsoziva Jehovha ndosvika pakumuda uye kuonga zvatakapiwa noMwanakomana wake.”

2. Nei zvichikosha kukudziridza ukama hwepedyo naJehovha?

2 Kuvaka ukama hwepedyo naJehovha kunoda kushanda nesimba. Kunoda zvinopfuura kungotevera purogiramu yebasa rechiKristu. Kana tikakundikana kutaura naJehovha nguva dzose, nokufamba kwenguva angaita kwatiri seaimbova shamwari yedu yepedyo yatisisiri kutaura nayo. (Zvak. 2:4) Ngationgororei kuti kudzidza Bhaibheri tiri toga uye munyengetero zvingatibatsira sei kuti tive noukama hwepedyo naJehovha.—Pis. 25:14.

3. Tinofanira kudzidza sei tiri toga kuitira kuti tiswedere pedyo naMwari?

3 Munyengetero uye Kufungisisa Zvinokosha: Kudzidza tiri toga uko kunosimbisa mwoyo kunosanganisira zvinopfuura kutara pfungwa huru pane zviri kudzidzwa uye kutarira magwaro aripo. Kunoda kuti tifungisise kuti mashoko acho anoratidzei nezvenzira dzaJehovha, zvaanoda, uye unhu hwake. (Eks. 33:13) Kusvika pakunzwisisa nhau dzomudzimu kune chokuita nemanzwiro edu uye kunotikurudzira kufunga nezvoupenyu hwedu pachedu. (Pis. 119:35, 111) Kudzidza uri woga kunofanira kuitwa nechinangwa chokuswedera pedyo naJehovha. (Jak. 4:8) Kudzidza kwakasimba kunoda nguva uyewo mhoteredzo yakakodzera, uye kudzidza nguva dzose kunoda kuzviranga. (Dhan. 6:10) Kunyange kana wakabatikana zvikuru muupenyu hwako, uri kutsaura nguva zuva rimwe nerimwe yokufungisisa unhu hwaJehovha hunoshamisa here?—Pis. 119:147, 148; 143:5.

4. Kunyengetera patinenge tichidzidza tiri toga kunotibatsira sei kukudziridza ukama hwepedyo naJehovha?

4 Munyengetero womwoyo wose unokosha pakudzidza woga zvine chinangwa. Kuti chokwadi cheBhaibheri chimutsiridze mwoyo yedu chotikurudzira ‘kuitira Mwari basa dzvene nokumutya nokumuremekedza,’ tinoda mudzimu mutsvene waMwari. (VaH. 12:28) Naizvozvo, tinofanira kutanga chidzidzo chimwe nechimwe nokukumbira Jehovha mudzimu wake. (Mat. 5:3) Sezvatinofungisisa Magwaro toshandisa mabhuku anoyamura pakudzidza anogoverwa nesangano raJehovha, tinozarurira Jehovha mwoyo wedu. (Pis. 62:8) Kudzidza munzira iyi chiito chokunamata chatinoratidza nacho kuzvipira kwedu kuna Jehovha uye kusimbisa ukama hwedu naye.—Jud. 20, 21.

5. Nei zvichikosha kuti tifungisise Shoko raMwari zuva rimwe nerimwe?

5 Sezvinongoitwa muukama hwose, ukama hwedu naJehovha hunofanira kuramba huchisimbiswa kuti hurambe huchikura muupenyu hwedu hwose. Naizvozvo, ngatitengei nguva zuva rimwe nerimwe yokuswedera pedyo naMwari, tichiziva kuti iyewo achaswedera pedyo nesu.—Pis. 1:2, 3; VaEf. 5:15, 16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe