Chikoro chaMwari Choushumiri Cha2004
1 Jehovha anoshongedzera vanhuwo zvavo kuti vaite basa rinokosha munyika yose. Kudzidzisa kunopiwa vhiki imwe neimwe paChikoro chaMwari Choushumiri, ndiyo imwe nzira yaanoita nayo izvi. Uri kuitawo chimwe chinhu zvakazara sezvinotenderwa nemamiriro ako ezvinhu here? Muna January pane kugadzirisa kushomanana kuchatanga nechinangwa chokubatsira vadzidzi kuwana zvizhinji muurongwa hwacho.
2 Kuchinjana Kwevanobatsira Kupa Zano: Hama dzinopa hurukuro dzokurayira nepfungwa huru dzinobva muBhaibheri dzinoonga zvinocherechedzwa nevanobatsira kupa zano. Kune vakuru vakakwana vanokwanisa, basa reanobatsira kupa zano ringachinjanwa gore negore. Izvi zvinoita kuti basa racho rigoveranwe; asi zvinokosha zvikuru, vakuru uye vashumiri vanoshumira vanokwanisa vachabatsirwa noruzivo rwose rwevakurukuri nevadzidzisi vakasiyana-siyana vanokwanisa.
3 Kuronga Kudzokorora: Kana ungano yenyu iine gungano redunhu pavhiki yamunofanira kuva nokudzokorora, ipapo kudzokorora kwacho (uye zvimwe zvose zvakarongerwa vhiki iyoyo) zvinofanira kuzoitwa vhiki inotevera uye zvevhiki inotevera yacho zvoitwa pagungano redunhu. Zvisinei, hamufaniri henyu kuchinjanisa misangano yevhiki mbiri kana kuri kuti kudzokorora kwanangana nokushanya kwomutariri wedunhu. Pane kudaro, rwiyo, hurukuro younyanzvi hwokutaura, nepfungwa huru dzinobva muBhaibheri zvinofanira kuitwa sezvakarongwa. Hurukuro yokurayira (inopiwa pashure pounyanzvi hwokutaura) inofanira kutorwa papurogiramu yevhiki inotevera. Pfungwa huru dzinobva muBhaibheri dzichateverwa noMusangano Webasa wemaminitsi 30, unogona kugadziridzwa kuti uve nezvikamu zvitatu zvemaminitsi 10 kana kuti zviviri zvemaminitsi 15. (Zviziviso zvinofanira kusiyiwa.) Musangano Webasa uchateverwa norwiyo uye purogiramu yemaminitsi 30 yomutariri wedunhu. Chikoro chaMwari Choushumiri chevhiki inotevera chichatanga nounyanzvi hwokutaura uye Pfungwa huru dzinobva muBhaibheri sezvakarongwa, zvoteverwa nokudzokorora.
4 Shandisa mukana mumwe nomumwe kuti ukure pakunamata. Sezvaunobatsirwa nedzidzo yeChikoro chaMwari Choushumiri, unokurudzira ungano yenyu, kuti ive nezvainoitawo pakuzadzika kwouprofita hweBhaibheri, zvounza rumbidzo kuMuvambi wemashoko anoshamisa atinofanira kuzivisa.—Isaya 32:3, 4; Zvakazarurwa 9:19.