Purogiramu Itsva Yomusangano Weungano
1, 2. Kutanga muna January 2009, zvii zvichachinja pamisangano?
1 Muvhiki yaApril 21-27, 2008 hama dzedu dziri munyika yose dzakanzwa chiziviso chainakidza. “Kutanga pana January 1, 2009, Chidzidzo Chebhuku Cheungano chichaitwa panguva imwe chete neChikoro chaMwari Choushumiri uye Musangano Webasa. Chidzidzo Chebhuku Cheungano chichange chava kunzi Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano.”
2 Purogiramu Yemisangano Iyi Vhiki Nevhiki: Misangano iyi yose ichatora awa imwe chete nemaminitsi 45, zvichisanganisira nziyo neminyengetero. Musangano wacho uchatanga norwiyo nomunyengetero (5 min.), zvichiteverwa neChidzidzo cheBhaibheri Cheungano (25 min.). Panopera chidzidzo ichi tinobva tangopinda muChikoro chaMwari Choushumiri (30 min.) pasina rwiyo. Rwiyo (5 min.) runozoimbwa tava kupinda muMusangano Webasa (35 min.). Musangano wacho uchapera norwiyo nomunyengetero (5 min.). Kuti ubatsirwe kugadzirira misangano iyi, mwedzi nomwedzi Ushumiri Hwedu hwoUmambo huchange huine purogiramu yeChidzidzo cheBhaibheri Cheungano, Chikoro chaMwari Choushumiri, uye Musangano Webasa.
3. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano chichaitiswa sei?
3 Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: Musangano uyu uchaitwa semaitirwo anoitwa Chidzidzo cheNharireyomurindi. Hamufaniri henyu kutanga nokudzokorora pfungwa dzakadzidzwa vhiki yakapfuura. Munofanira kungosuma musangano wacho nemashoko mashomanana. Izvi zvichaita kuti vose varipo vawane mukana wakakwana wokupawo mhinduro pfupi. Mutariri anotungamirira ndiye achange achironga vakuru vachaita majana okuitisa musangano uyu, mumwe nomumwe achiitisa vhiki yake.
4. Zvii zvichachinja paMusangano Webasa?
4 Musangano Webasa: Musangano Webasa ucharamba wakaita zvawakaita asi hurukuro dzacho dzichange dzava pfupi. Kakawanda zviziviso zvichatora maminitsi mashanu. Nguva iyi inofanira kukwana kupa zviziviso zvinokosha uye kuverenga tsamba dzinenge dzichibva kubazi. Zviziviso zvakadai sourongwa hwebasa romumunda, urongwa hwokuchenesa, mishumo yemaakaunzi, uye tsamba dzinogara dzichitumirwa nehofisi yebazi hazvifaniri hazvo kuverengwa pachikuva, asi zvichaiswa pachikwangwani chemashoko kuti hama dzizviverengere. Vaya vanenge vaine hurukuro papurogiramu yacho vanofanira kunyatsogadzirira votevedzera mirayiridzo inenge iripo uye havafaniri kutombodya nguva.
5. Purogiramu yemisangano yeungano yevhiki nevhiki icharongwa sei vhiki yomutariri wedunhu?
5 Panoshanya Mutariri Wedunhu: Purogiramu yomutariri wedunhu yevhiki nevhiki haisi kuzochinja. Musi weChipiri pachaitwa Chikoro chaMwari Choushumiri noMusangano Webasa, pozoimbwa. Mutariri wedunhu achabva azopa hurukuro yemaminitsi 30. Sezviri kuitwa iye zvino vhiki yaanoshanya, mamwe manheru achaitwa Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano, poimbwa, uye mutariri wedunhu ozopa hurukuro yake yebasa. Musangano wacho uchapera norwiyo nomunyengetero.
6. Basa romutariri weboka nderei?
6 Misangano Yebasa Romumunda: Vatariri vemapoka vacharongwa nedare revakuru kuti vatungamirire mapoka ebasa romumunda uye vafudze vanhu vanenge vari mumapoka acho. Kana mushumiri anoshumira achizotungamirira boka iroro, achanzi “mushumiri weboka.”
7. Zvii zvatingatarisira kuwana papurogiramu yedu itsva yemisangano yeungano?
7 Sezvarongwa pamusoro apa, zviri pachena kuti tichava nomukana wokunakidzwa nezvokudya zvomudzimu zvinorayiridza, zvinovaka. Izvi zvichaita kuti tibudirire kuparidza nokudzidzisa, nokuti tinenge tarovedzwa kubudirira muushumiri.—VaEf. 4:13, 14; 2 Tim. 3:17.
8. Kufanogadzirira kuchatibatsirai sei isu nevamwe?
8 Kufanogadzirira misangano iyi kuchatibatsira kunyatsofungisisa pfungwa huru dzichasimbiswa pamisangano. Tose tichava nomukana wokupindura, tichikurudzirana. (VaR. 1:11, 12; VaH. 10:24) Chinangwa chedu chinofanira kuva ‘chokuita kuti kufambira mberi kwedu kuonekwe’ noku“bata shoko rechokwadi zvakarurama.”—1 Tim. 4:15; 2 Tim. 2:15.
9. Tinofanira kuitei, uye nei?
9 Tinofara zvikuru nokuchinja kuri kuita misangano yedu yeungano. Tose ngatirambei tichibvuma kutungamirirwa no“muranda akatendeka, akangwara” toramba tiri pedyo noMufudzi wedu Mukuru sezvaanotibatsira kugadzirira “kutambudzika kukuru” kwava pedyo.—Mat. 24:21, 45; VaH. 13:20, 21; Zvak. 7:14.