Kugadzirira Ndiwo Mushonga Wokubudirira Kuwana Vanhu Vokushanyirazve
1. Ushumiri hwechiKristu hwokutanga hwaizoparidzwa sei kwose kwose?
1 Jesu akanyatsodzidzisa vateveri vake kuti vave vazivisi vanobudirira pakuparidza “mashoko akanaka oumambo.” (Mat. 4:23; 9:35) Akavadzidzisa paaiparidzira muParestina chete. Zvisinei, asati adzokera kudenga, akavaudza kuti ushumiri hwechiKristu hwaizoparidzwa kwose kwose nechinangwa ‘chokuita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.’—Mat. 28:19, 20.
2. Kuteerera murayiro waJesu ‘wokuita vadzidzi’ kunoda kuti tiitei?
2 Basa iroro raizoda kuti vashanyirezve vanhu vainge vafarira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari uye kuvadzidzisa kuchengeta zvose zvakarayirwa naKristu. Kuti tibudirire saizvozvo patinoshanyazve, tinofanira kunyatsogadzirira.
3. Kunyange paunoshanya kokutanga, ungaronga sei kuti uzodzoka?
3 Fanoronga: Vamwe vaparidzi vanosiya vabvunza mubvunzo pavanoshanya kokutanga vovimbisa kudzoka kuti vazopindura mubvunzo wacho. Vakaona kuti kushandisa mashoko ari mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? pavanodzokazve kwakavabatsira kuti vatange kudzidzisa munhu Bhaibheri.
4. Nei tisingafaniri kunonoka kushanyazve tichimirira magazini matsva?
4 Kungova nemagazini omwedzi iwoyo chete hakurevi kuti tinofanira kumirira kusvikira tawana omwedzi unotevera kuti tizodzokerazve. Kuti munhu wacho arambe achifarira, tinogona kukurukura naye mashoko ari mumagazini aanotova nawo.
5. Zvinobatsirei kuva nechinangwa paunodzokerazve?
5 Iva Nechinangwa: Usati wadzokera, chimboongorora zvawakaita pawakashanya kokutanga woona zvaunofanira kunoita. Somuenzaniso, kurukura pfungwa iri mumagazini yawakasiya. Kana kuti siya mamwe mabhuku anotaura zvamakambokurukura. Kana wakasiya wabvunza mubvunzo, chinangwa chako chinosanganisira kuupindura. Paunenge uchisimbisa rugwaro runotsigira pfungwa iri kubudiswa, edza kuverenga kubva muBhaibheri chaimo.
6. Chinangwa chedu ndechei patinodzokerazve?
6 Chinangwa Chedu: Chokwadi, chinangwa chedu ndechokutanga chidzidzo cheBhaibheri. Imwe hama yaida kutanga chidzidzo cheBhaibheri pakushanyazve, asi murume wacho akaramba. Hama yacho yakazodzokerazve iine magazini matsva ndokuti: “Tauya kuzopindura mubvunzo womuBhaibheri uri kubvunzwa nevanhu.” Murume wacho paakapindura, hama iyi yakaverenga rugwaro nendima yaienderana nezvavaikurukura kubva mubhuku rinoshandiswa pazvidzidzo zveBhaibheri. Izvi zvakaita kuti vatange kudzidza naye Bhaibheri nguva dzose.
7. Kunyatsogadzirira kwave kuchikubatsira sei kuti utange chidzidzo cheBhaibheri?
7 Kuva nenguva yokugadzirira kuti tizoshanyazve, kune mubayiro. Tichawedzera kufara uye tinogona kukomborerwa kuti tibatsire munhu ane ‘mafungiro akanaka’ kuti awane nzira inoenda kuupenyu.—Mab. 13:48.