Rambai Muchinyatsongwarira Mashandisiro Amunoita Nguva
1. Mazuva ano vanhu vanosangana nezvinetso zvipi kwose kwose?
1 Mumazuva ano ane michina inobatsira kukurumidza kupedza basa uye kuderedza nguva inoitwa basa racho, zvinoita sokuti vakawanda vane zvakawanda zvokuita uye nguva shoma yokuzviita. Unoona zvakaoma kuomerera papurogiramu yakanaka yezvokunamata here? Unoshuva kuti dai waiva nenguva yakawanda muushumiri here? Tingashandisa sei nguva yedu zvakanakisisa?—Pis. 90:12; VaF. 1:9-11.
2, 3. Ruzivo rwokufambiswa kwemashoko runokonzera dambudziko rei, uye isu tose tingazviongorora sei?
2 Kuziva Zvinotipedzera Nguva: Nguva nenguva tose zvedu tinofanira kuongorora mashandisiro atinoita nguva yedu. Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Rambai muchinyatsongwarira kuti kufamba kwenyu kurege kuva sevanhu vasina kuchenjera asi sevakachenjera, muchizvitengera nguva yakafanira, nokuti mazuva akaipa.” (VaEf. 5:15, 16) Funga zvinetso zvinokonzerwa nokufambira mberi muruzivo rwokufambiswa kwemashoko. Kunyange zvakanaka kushandisa makombiyuta uye zvimwe zvinhu zvemagetsi, zvinogona kuva musungo kana tikakundikana kunyatsongwarira mashandisiro atinoita nguva.—1 VaK. 7:29, 31.
3 Mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Zuva nezuva ndinopedza nguva ndichiverenga kana kuti ndichipindura tsamba dzinotumirwa nekombiyuta dzisina nebasa rose here? Ndinowanzoridza runhare kana kutumira tutsamba nekombiyuta kana neserura nezvenyaya dzisina nebasa rose here? (1 Tim. 5:13) Ndinozviwana ndichingovhura-vhura nzvimbo dzakasiyana-siyana dzeIndaneti pasina chinangwa chaicho kana kuti pandinenge ndichiona terevhizheni ndinongochinja chinja zviteshi here? Kubatikana nokutamba mitambo yepakombiyuta kana yepaserura kwatanga kundipedzera nguva yokudzidza Shoko raMwari here? Kuita zvinhu zvakadaro kunogona kuparadza zvishoma nezvishoma zvinhu zvinokosha zvinoita kuti tirambe takasimba pakunamata.—Zvir. 12:11.
4. Chii chakagadziriswa nomumwe wechiduku, uye nei?
4 Kushandisa Nguva Nokuchenjera: Zvinhu zvemagetsi zvinenge zvinotora zvose nguva nepfungwa dzedu. Wechiduku aiva akanyura zvikuru mumitambo yepakombiyuta akabvuma kuti: “Dzimwe nguva ndaiti kana ndatamba ndisati ndaenda muushumiri kana kuti kumusangano wechiKristu, zvaindiomera chaizvo kuteerera. Kunenge kuti nguva dzose ndainge ndichifunga kuti ndingatamba sei zviri nani mutambo wacho pandinenge ndadzokera kumba. Kudzidza kwangu ndiri ndoga uye kuverenga Bhaibheri kwakaderera chaizvo. Mufaro wangu pakushumira Mwari wakatanga kudzikira.” Aona kuti aifanira kuchinja, akadzima mitambo yake yose yepakombiyuta. “Zvakanga zvakaoma,” anoyeuka kudaro. “Ndakanga ndakanyura mumitambo kupfuura zvandaifunga. Asiwo ndakanzwa kuti ndakunda nokuti ndaiziva kuti ndakanga ndaita zvakandinakira.”—Mat. 5:29, 30.
5. Tingatenga sei nguva ine chokuita nezvokunamata, uye tinobatsirwa sei nokuita kudaro?
5 Zvingava zvakanaka kuita zvakadaro kana paine dzimwe nzvimbo dzatinoda kugadzirisa. Ungatenga maminitsi 30 zuva rimwe nerimwe kubva pazvinhu zvisingakoshi here? Ndiyo inenge nguva ingadiwa kuverenga Bhaibheri rose pagore. Izvozvo zvingakubatsira zvikuru mune zvokunamata! (Pis. 19:7-11; 119:97-100) Iva nenguva chaiyo yokuverenga Bhaibheri, yokugadzirira misangano, uye youshumiri hwomumunda. (1 VaK. 15:58) Kuita izvi kuchakubatsira kudzora zvinokupedzera nguva uye kuchakubatsira ‘kuramba uchinzwisisa kuti kuda kwaJehovha chii.’—VaEf. 5:17.