Nzira Yokutenga Nayo Nguva Yakafanira
1 Kuva nezvakawanda zvokuita mubasa raMwari kunotichengeta takabatikana! (1 VaK. 13:58) Tinoziva kudikanwa kwokufunda somunhu oga uye semhuri, kurava Bhaibheri zuva nezuva, kugadzirira uye kupinda misangano yeungano, uye kugoverana nguva dzose muushumiri hwomumunda. Vatariri vane mitoro yokufudza, uye vanotarisira mimwe mitoro yeungano. Vamwe vane mitoro yemhuri inorema kana kuti mhatsa yemisengwa kuvamwe. Kuti chinhu chiri chose chiitwe nenzira yakarurama, munhu ari wose anoda dzikamo uye kurongeka kwomunhu oga uye kwakanaka.
2 Ronga Zvokutanga: Kubudirira mu‘kuzvitengera timene nguva yakafanira’ kunotsamira pakunzwisisa kwedu uye chisarudzo chakanaka. (VaEf. 5:15, 16) Tinofanira kuziva kuti “zvakanaka ndezvipi” uye kuzviisa pamusoro pendaza yedu yezvokutanga. (VaF. 1:10) Vamwe varoorani vakarondedzera mhuri yavo youbati ushe hwaMwari neiyi nzira: “Tinozadza upenyu hwedu nechokwadi . . . Chokwadi hachisi rutivi rwoupenyu hwedu, icho ndihwo upenyu hwedu. Chimwe chinhu chiri chose chinotsamira pachiri.” Kuisa kunamatwa kwaJehovha uye basa pakutanga muupenyu hwomunhu kunokosha.
3 Ziva Zvinopambadza Nguva: Mune maawa 168 muvhiki, uye tinofanira kushandisa nguva yedu inowanika nokuchenjera. Kuti tive nenguva yakakwana nokuda kwemibato youbati ushe hwaMwari, tinofanira kuziva uye kuderedza zvinopambadza nguva. Imwe nzvero yakaratidza kuti munhu mukuruwo zvake muUnited States anopedza maawa anopfuura 30 pavhiki achitarira TV! Nokuda kwavamwe, nguva yakawanda inopedzwa vachirava mabhuku enyika. Vamwe vangawana kuti vanopa chitsama chikuru kwazvo chenguva mumibato yevaraidzo, mabasa okuzvifadza, nhandaro, kana kuti mumwe mubato wakati wekombiyuta. Tingada kunyatsoongorora muitiro wedu wezuva nezuva kuti tione kuti tingashandisa nguva yedu zviri nani. Uchenjeri hunoda kuti tigadze ganhuriro pauwandu hwenguva yatinobvumira nokuda kwemibato isingakoshi.
4 Tanga Muitiro Wakanaka: Api kana api ari mamiriro edu ezvinhu omunhu oga, mumwe nomumwe wedu anogona kutenga nguva nokuda kwezvirondwa zvomudzimu. Vamwe vakawana kuti kuti kurumidzei kuvamba zuva rimwe nerimwe kunobetsera kupedza zvakawanda. Kana tichipedza nguva yakawanda tichienda kubasa kana kuti takamirira vamwe, tingashandisa imwe yenguva iyoyo nokuda kwekurava Bhaibheri, kugadzirira misangano, kana kuti kuteerera mashoko anogoverwa neSosaiti pamakaseti okuteerera. Mhuri dzinobetserwa zvikuru kupfurikidza nokutsaura nguva yenguva dzose, chaiyoiyo yokufunda pamwe chete. Kana mutezo mumwe nomumwe wemhuri uchichengeta nguva pakuuya kufundo yemhuri, kunopa munhu ari wose nguva yomuraudzo.
5 Zuva rimwe nerimwe richipfuura, tinofanira kuva vanoziva zvikuru kuti “nguva yasara yavapfupi.” (1 VaK. 7:29, NW) Upenyu hwedu hunotsamira pamashandisire atinoita nguva inokosha yasara. Tichakomborerwa kana tikatenga nguva yakafanira kuitira kuti tigogona kuchengeta fariro dzoUmambo dziri munzvimbo yokutanga!—Mat. 6:33.