Batsirwa Nokudzidza Bhuku raSwedera Pedyo naJehovha
1 Pakokorodzano Yoruwa ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira,” takafara kugamuchira bhuku raSwedera Pedyo naJehovha. Vakawanda vakabva vangoriverenga. Hapana mubvunzo kuti vamwe vakawanda vakakurudzirwa kuita kudaro norugwaro rwegore ra2003 rwaiti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.”—Jak. 4:8.
2 Muna March tichatanga kudzidza bhuku raSwedera Pedyo naJehovha paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Tingabatsirwa sei zvikuru nokudzidza kwedu? Kugadzirira kunokosha. Vhiki mbiri dzichapedzerwa pachitsauko chimwe nechimwe, pachidzidzwa ndima shoma vhiki imwe neimwe. Izvi zvichaita kuti pave nenguva yakakwana yemhinduro dzenyu dzomwoyo wose dzinobva pakudzidza kwenyu uye kufungisisa mashoko acho. Uyezve, ndima shomanana dzichakurukurwa pavhiki dzinodzokororwa chikamu chokugumisa chechitsauko chacho, kuti pave nenguva yokushandisa chikamu chinokosha chebhuku racho.
3 Kutanga nechitsauko 2, pane bhokisi rakanzi “Mibvunzo Yokufungisisa” riri pedyo nepanogumira chitsauko chimwe nechimwe. Mapedza kukurukura ndima yokupedzisira muchitsauko chacho, mutariri wechidzidzo chebhuku achaita kuti boka rikurukure bhokisi racho. Achaita kuti vomuboka racho vataure pfungwa dzavo, achitsvaka zvakanaka zvezvavakafungisisa muMagwaro. (Zvir. 20:5) Kuwedzera pamibvunzo iri mubhokisi racho, pane dzimwe nguva angabvunza mibvunzo yakadai seinotevera: “Mashoko aya anokuudzei nezvaJehovha? Anei chokuita noupenyu hwako? Ungaashandisa sei kubatsira vamwe?” Chinangwa chake chichava chokuti vabudise zviri pamwoyo, kwete kuedza zivo yavo pamusoro pezvinhu zviduku.
4 Bhuku raSwedera Pedyo naJehovha rakasiyana nemamwe. Kunyange zvazvo mabhuku ose o“muranda akatendeka, akangwara” achikudza Jehovha, chinangwa chebhuku iri rose ndechokukurukura unhu hwaJehovha. (Mat. 24:45-47) Mukana unofadza zvikuru wakatimirira! Tichabatsirwa zvikuru nokudzidza zvakadzama unhu hwaJehovha. Kudzidza uku ngakutibatsire kuswedera pedyo naBaba vedu vokudenga, uye ngativei vanobudirira zvikuru kubatsira vamwe kuitawo saizvozvo.