RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/03 p. 3
  • Kudzidza Bhuku raNamata Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidza Bhuku raNamata Mwari
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Batsirwa Nokudzidza Bhuku raSwedera Pedyo naJehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Nakidzwa Nokudzidza Kwatichaita Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Chidzidzo Chebhuku Cheungano—Nei Tichichida
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Fundo Inotusa
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 9/03 p. 3

Kudzidza Bhuku raNamata Mwari

Bhuku raNamata Mwari Wechokwadi Bedzi rakagadzirirwa kuti ridzidzwe nevatsva pashure pokunge vapedza kudzidza bhuku raZivo. Kudzidza kwatichaita bhuku iri paChidzidzo Chebhuku Cheungano kuchatishongedzera kushandisa bhuku iri muushumiri uye kuchatibatsira kudzamisa rudo rwedu nokuonga Jehovha nesangano rake. Tingabatsirwa sei zvakazara nokudzidza bhuku raNamata Mwari?

Kuitisa Chidzidzo Chacho: Sezvo tichange tichidzidza chitsauko chakazara vhiki imwe neimwe, vatariri vechidzidzo chebhuku vachada kuronga nguva nokuchenjera. Vachada kuti chidzidzo chacho chifambe nokukurumidza pandima dzokutanga kuti pave nenguva yakawanda pazvinhu zvinokosha, kazhinji zvinenge zviri nechemberi muchitsauko chacho. Kukurukura muchidimbu bhokisi rokudzokorora riri panoperera chidzidzo chimwe nechimwe kuchabatsira vaya varipo kuyeuka pfungwa dzinokosha.

Mibvunzo inotangira nechomukati yokufungisisa nokukurukurirana inowanikwa muinenge hafu yezvitsauko zvebhuku raNamata Mwari. Muenzaniso wacho ungawanikwa papeji 48. Mibvunzo yakadaro haifaniri hayo kuverengwa pamwe nendima dzacho. Pakuikurukura neboka, mutariri anofanira kuita kuti magwaro aripo averengwe okurukurwa kana nguva ichibvumira.

Kufanogadzirira: Kugadzirira zvakanaka chidzidzo chacho kunosanganisira zvinopfuura kungotara mhinduro. Kufungisisa magwaro aripo tichinyengetera kuchaita kuti tikwanise kugadzirira kwete mhinduro dzedu chete asi, zvinotokosha zvikuru, mwoyo yedu. (Ezra 7:10) Tose zvedu tingakurudzirana nokupa mhinduro dzedu zvine mwero.—VaR. 1:11, 12.

Kudzidza kwatichaita bhuku raNamata Mwari kuchatibatsira kuswedera pedyo naJehovha uye kuchitishongedzera kubatsira vaya vane mwoyo yakatendeseka kuti vabatane nesu mukumunamata. (Pis. 95:6; Jak. 4:8) Tose zvedu ngatibatsirwe zvizere nourongwa hwezvokunamata uhwu hwakanaka kwazvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe