RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/04 p. 1
  • Ratidza Kuti Unoonga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ratidza Kuti Unoonga
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • “Zviratidzei Mumene Kuva Vanoonga”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Zviratidzei Kuti Munoonga”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • “Ivai Nokuonga”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Kuonga Nokuda Kwezvatinazvo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 5/04 p. 1

Ratidza Kuti Unoonga

1 Kunyange zvazvo tichirarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” tine zvikonzero zvakawanda zvokuonga Jehovha. (2 Tim. 3:1) Chatinonyanya kuonga pane izvi chipo chinokosha choMwanakomana wake chaakatipa. (Joh. 3:16) Uyezve, kunyange zvazvo vaya vari muchitendero chenhema vari kuziya mune zvokunamata, isu tine mafashafasha ezvokudya zvomudzimu. (Isa. 65:13) Tiri vamwe vehama dzomunyika yose uye tine ropafadzo yokuitawo chimwe chinhu mukuwedzera kunofadza kuri kuita kunamata kwechokwadi. (Isa. 2:3, 4; 60:4-10, 22) Tingaratidza sei kuti tinoonga Jehovha nokuda kwezvikomborero zvaanotidururira?—VaK. 3:15, 17.

2 Basa Rinofadza, Remwoyo Wose: Paaitaura nezvokupa zvinhu zvenyama, muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari anoda mupi anofara.” (2 VaK. 9:7) Nhungamiro iyi inoshandawo kubasa redu ratinoitira Mwari. Kuonga kunoratidzirwa nokushingairira kwedu chokwadi, mufaro wedu pamisangano yechiKristu, kushingaira kwedu muushumiri hwomumunda, uye kufara kwedu pakuita zvinodiwa naMwari.—Pis. 107:21, 22; 119:14; 122:1; VaR. 12:8, 11.

3 MuIsraeri yekare Mutemo wakanga usingatauri chitsama chaicho chaidiwa nokuda kwezvimwe zvibayiro. Munamati mumwe nomumwe aigona kuratidza kuonga kwake nokupa ‘zvaienderana nechikomborero chaJehovha’ chaakanga agamuchira. (Dheut. 16:16, 17) Saizvozvowo nhasi, mwoyo unoonga uchatikurudzira kuita zvakawanda sezvinobvumirwa nemamiriro edu ezvinhu mubasa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi.

4 Kufashukira Nokuonga: Munyengetero ndiwo nzira inokosha zvikuru yatinoratidza nayo kuti tinoonga Jehovha. (1 VaT. 5:17, 18) Shoko raMwari rinotikurudzira kuti tive vano“fashukira nokutenda mukuonga.” (VaK. 2:7) Kunyange patinenge takabatikana zvikuru kana kuti tichishushikana, tinofanira kugara tichionga muminyengetero yedu yezuva nezuva. (VaF. 4:6) Zvechokwadi, noushumiri hwedu pamwe chete neminyengetero yedu, ngativei vaka‘pfuma nokuonga Mwari kazhinji.’—2 VaK. 9:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe