RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/95 p. 1
  • Kuonga Nokuda Kwezvatinazvo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuonga Nokuda Kwezvatinazvo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • “Zviratidzei Mumene Kuva Vanoonga”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Zviratidzei Kuti Munoonga”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Ari Kudikanwa—Mapiyona Ebetsero 4 000
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Ratidza Kuti Unoonga
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 4/95 p. 1

Kuonga Nokuda Kwezvatinazvo

1 “Mwari unoratidza rudo rwake kwatiri pakuti Kristu wakatifira, tichiri vatadzi.” (VaR. 5:8) Tinofanira kuva vanoonga sei tose zvedu chibayiro chikuru chakaitwa navose vari vaviri Jehovha Mwari noMwanakomana wake nokuda kwedu! Kupfurikidza neropa rakateurwa raKristu, tinopiwa mukana woupenyu husingaperi, chimwe chinhu icho chisina munhu anogona kutipa.

2 Tinogona sei kuratidza kuonga kwedu? Kune vanhu vakawanda vane nyota yezivo yechokwadi, inogona kuwanika bedzi muShoko raMwari Rinoyera. Kuda kwaJehovha kuti vasvike pakuziva zvokwadi. (1 Tim. 2:4) Tinoratidza kuonga kwedu zvokwadi kupfurikidza no‘kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.’ (Ruka 4:43) Kutora rutivi mubasa irori kwomwoyo wose kunoratidza kuti tinonzwisisa kuti Kristu akatifira uye kuti tinoda kumutevedzera kupfurikidza nokuteerera nenzira yokutenda murayiro wake wokuita vadzidzi vavamwe.—Mat. 28:19, 20.

3 Ndeipi iri mimwe mikana yokuparidza yakatizarukira? Kunotibvirira here kuti tinyorese samapiyona ebetsero panguva nenguva? Pashure pokuzvinzvera, vamwe vangakwanisa kutora basa roupiyona hwenguva dzose. Kupfurikidza nokushandisa mikana iyoyi yakaisvonaka, tinogona kuwedzera chitsama chenguva chatinopedzera mukuparadzira mashoko akanaka oUmambo. Munguva dzakapfuura ungave wakarangarira kunyoresa, asi kwaiva nemhinganidzo. Zvichida mamirire ezvinhu zvako akachinja. Kana kwakadaro, wakarangarira zvakakomba here kupinda mubasa roupiyona kana kuti kubatira sapiyona webetsero?

4 Kuonga kwedu kunova kukuru zvikuru apo tinotarira zviri kuitika makatipoteredza. Mune masimba masimba ari kuwedzera, ruvengo, uye kurwa munyika yose. Pauro akasanorondedzera nguva dzedu se“dzinonetsa” ne“dzakaoma kubata nadzo.” (2 Tim. 3:1, NW) Pakati pemamirire ezvinhu anotambudza iwaya, tine mashoko akanaka akawanda zvikuru okugoverana navamwe. Tine magazini maviri akaisvonaka, Nharireyomurindi neMukai! Mwedzi uno tinogona kugovera makopi mamwe namamwe kana kuti kuzvinyoresa. Tinewo mabhurocha ane nyaya dzakati kuti. Zvinyorwa izvozvi zvinogona kuunza zororo rapachokwadi kuna avo vanozvirava. Kuonga nokuda kwezvatinazvo kunofanira kutisunda kuva vane rupo mukuzvigoverana navamwe.—VaH. 13:16.

5 Kungava kwokuti munharaunda maunogara, vanhu vanoratidzira fariro duku muzvinhu zvomudzimu. Mukupesana naikoku, pane ndima dzine zvibereko. Fariro yakawanda iri kuwanika pakati pamapoka omutauro wokudzimwe nyika. Kana uchikwanisa kutaura mutauro unopfuura mumwe, kunobvira here kuti unogona kubatira munharaunda iri munyika ino mune dikanwo chaiyoiyo nokuda kwebetsero yako? Mutariri wenyu wedunhu angava nezvikarakadzo muna ikoku.

6 Pane chikonzero chiri chose chokuonga nokuda kwezvatinazvo, zvinhu zvakanaka zvakawanda zvirokwazvo. Kuonga kwedu kuna Jehovha kunogona kuratidzirwa zvakanakisisa kupfurikidza nokuzivisa zita rake nezvinangwa kuna vamwe.—Isa. 12:4, 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe