Mimhanzi Inozorodza
1 Kuimba uye mimhanzi chimwe chezvinhu zvinokosha pakunamata kwechokwadi. MuIsraeri yekare, Asafi nehama dzake vakaimba kuti: “Ongai Jehovha, . . . Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.” (1 Mak. 16:8, 9) Mazuva ano tinosimudza manzwi edu tichiimbira Jehovha pamisangano yedu yeungano yevhiki nevhiki. (VaEf. 5:19) Uyu mukana wakaisvonaka zvakadini wokurumbidza zita rake!—Pis. 69:30.
2 Kuteerera Nziyo dzoUmambo dzakaridzwa pachishandiswa nezviridzwa zvakasiyana-siyana kungazadza pfungwa dzedu nezvinhu zvokunamata. “Nziyo padzinorira, ndinobva ndatanga kuyeuka mashoko acho,” yakatsanangura kudaro imwe hanzvadzi. Inzira yakanaka zvakadini yokuita kuti ndirambe ndichifunga nezvaJehovha pandinenge ndichinakidzwa nemimhanzi!”—VaF. 4:8.
3 Nguva Yokunakidzwa Nadzo: Kuridza Nziyo dzoUmambo pamba kunoita kuti pave noukama hwakanaka mune zvokunamata uhwo hunosimudzira rugare mumhuri. “Tinogara tichiridza [mimhanzi] iyi pamba pedu nomumotokari uye hatimboneti nokuiteerera,” yakanyora kudaro imwe mhuri. “Kakawanda Nziyo dzoUmambo dzakaita kuti tive nemafungiro akanaka patinenge tichigadzirira kuenda kumisangano yechiKristu kana kuti patinenge tichienda kugungano.” Imwe hanzvadzi yakati: “Kuiteerera pandinenge ndichiita basa romumba kunoita kuti ndifare zvikuru—ndiani angambofunga kuti ndingafara pandinenge ndichipeta mbatya? Ndinoronga kuridza mimhanzi iyi pandinenge ndakaora mwoyo. Mimhanzi yacho inoita kuti ufare kwazvo! . . . Nziyo imwe neimwe inoita kuti ufare.” Pane nguva here apo mimhanzi iyoyo inozorodza ingakubatsira?
4 Pamisangano, ungano dzakawanda dzinoimba dzichitevera mimhanzi yakarekodwa paCD kana kuti pakaseti. Izvi zvinobatsirei? Kutanga, tinobatanidzwa nehama dzedu dzomunyika yose patinoimba zvakafanana kwose kwose pasi pose. Chechipiri, tinochengeta nguva sezvo kuimba kwedu kuchidzorwa nemimhanzi yakarekodwa. Ichi ndicho chimwe chikonzero nei ungano dzichikurudzirwa kuti dzishandise mimhanzi yakarekodwa pavanoimba pamisangano pazvinobvira napo pose.
5 Mimhanzi yakawanda yemazuva ano inoratidza mafungiro enyika. Vabereki vangabatsira vana vavo kuti vade mimhanzi yakanaka kana vakashandisa zvakanaka Nziyo dzoUmambo dzakarekodwa. Vanhu vakawanda vanodzidza Bhaibheri uye vanofarira vangafarawo kuziva nezvenziyo idzi dzechiKristu dzakaisvonaka, idzo dzinokudza Jehovha uye dzinokurudzira.—Pis. 47:1, 2, 6, 7.