RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/04 p. 7
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Ramba Uchibatsirwa neNharireyomurindi uye Mukai!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 7/04 p. 7

Bhokisi Remibvunzo

◼ Tinofanira kuwana sei magazini eNharireyomurindi neMukai! edu pachedu?

Sezvo urongwa hwokuzvinyoresa kugamuchira magazini eNharireyomurindi neMukai! akadhindwa uye ari pakaseti mumitauro yose hwakaregwa, vaparidzi vose vanofanira kuwana magazini avo, makaseti, uye maCD nokuungano yavo. Magazini nemakaseti zveBraille chete ndizvo zvinotumirwa pachena kune vaya vanokodzera. Tapota onai kuti ungano dzingaodha magazini iri pakaseti kana kuti paCD pafomu rinonzi Odha dzeUngano (M-202). Magazini omutauro wokumwe neemabhii makuru anofanirawo kuodwa muchishandisa fomu iri.

Kana mumwe munhu ari mundima yenyu achikumbira kugara achivigirwa magazini, tapota ivai nechokwadi chokumuvigira nokukurumidza kuitira kuti asatadza kuwana kunyange magazini imwe chete zvayo. Vanhu vakadzingwa vangawana magazini kana kuti mamwe mabhuku okuti vashandise pakaunda yemabhuku muImba yoUmambo. Vanhu vakadzingwa havafaniri kubatanidzwa pane vaya vanogara vachiendeserwa magazini.

Kuzvinyoresa kucharamba kuchingoshandiswa nebazi reZimbabwe ndokwevaya vasingagoni kugara vachiendeserwa magazini nomuparidzi weungano. Kana Dare Rebasa Reungano rikatumira odha yokuzvinyoresa yomumwe munhu asingagoni kuawana, munyori anofanira kubatanidzawo katsamba kanoratidza kuti kuzvinyoresa uku kwakaongororwa uye kwakatenderwa neDare Rebasa Reungano.

Izvi zvinoreva kuti vaparidzi havafaniri kunyorera hofisi yebazi vachikumbira kuzvinyoresa kwavo voga. Kukumbira kuzvinyoresa kwakadaro kunoitwa nevaparidzi kana kuti nevanhu vanofarira kuchadzorerwa kuungano.

◼ Musungwa angawana sei magazini ake?

Kana ungano inotarisira basa rokuparidza kujeri ichigona kuendesera vasungwa vari ikoko magazini, ipapo musungwa anofanira kuwana magazini ake eNharireyomurindi neMukai! kubva kuvaparidzi vanoshanya. Izvi pazvinenge zvisingabviri, musungwa angakumbira kuzvinyoresa nokunyorera hofisi yebazi. Tapota onai kuti vasungwa vakadzingwa vangawanawo magazini avo nenzira yakafanana nezvataurwa mundima ino.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe