Kutsungirira Kunowanisa Mubayiro
1 “Muchawana mweya yenyu nokutsungirira kwenyu.” (Ruka 21:19) Mashoko iwayo, ari muuprofita hwaJesu hune chokuita no“kuguma kwegadziriro yezvinhu,” anojekesa kuti pakuramba takavimbika, tinofanira kugadzirira kunangana nemiedzo yakawanda. Asi nesimba raJehovha, mumwe nomumwe wedu anogona ku“tsungirira kusvikira kumugumo” ‘ndokuponeswa.’—Mat. 24:3, 13; VaF. 4:13.
2 Kutambudzwa, zvinetso zvoutano, zvinetso zvemari, uye kurwadziwa mupfungwa zvinogona kuita kuti zuva rimwe nerimwe rive muedzo. Zvisinei, hatimbofaniri kukanganwa kuti Satani ari kuedza kuputsa kuvimbika kwedu kuna Jehovha. Zuva rimwe nerimwe ratinoramba takavimbika kuna Baba vedu nderimwe zuva ratinenge tabudirira kupa mhinduro kuMushori. Zvinofadza chaizvo kuziva kuti “misodzi” yedu haikanganwiki patinenge tichiedzwa! Inokosha kuna Jehovha, uye kuvimbika kwedu kunofadza mwoyo wake!—Pis. 56:8; Zvir. 27:11.
3 Kunatsiridzwa Nemiedzo: Dambudziko rinogona kuratidza matakaneta mukutenda kana kuti unhu husina kunaka, hwakadai sokudada kana kuti kusashivirira. Pane kuedza kunzvenga kana kugumisa miedzo nenzira dzisiri dzeMagwaro, tinofanira kuteerera zano reShoko raMwari rokuti “kutsungirira ngakupedze basa rakwo.” Nei? Nokuti kutsungirira miedzo nokutendeka kunotibatsira kuti tive “vakakwana uye vakanaka mumativi ose.” (Jak. 1:2-4) Kutsungirira kunogona kutibatsira kukudziridza unhu hunokosha, hwakadai sokunzwisisa, kunzwira urombo, uye ngoni.—VaR. 12:15.
4 Kutenda Kwakaedzwa: Patinotsungirira miedzo, tinova nokutenda kwakaedzwa kunokosha zvikuru mukuona kwaMwari. (1 Pet. 1:6, 7) Kutenda kwakadaro kunotishongedza kuti tirambe takatsiga mumiedzo inozouya. Uyezve, tinogona kuona kuti Mwari anotifarira, uye izvi zvinosimbisa tariro yedu, zvichiita kuti ive chaiyoiyo kwatiri.—VaR. 5:3-5.
5 Mubayiro wakanakisisa wokutsungirira unoratidzwa pana Jakobho 1:12, panoti: “Anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo, nokuti pakuva anotenderwa achagamuchira korona youpenyu.” Saka, ngatirambei takatsiga mukuzvipira kwedu kuna Jehovha, tiine chivimbo chokuti achakomborera zvikuru “vaya vanoramba vachimuda.”