Kudzokorora Zuva Regungano Chairo
Mashoko aya achashandiswa kufanoona uye kudzokorora purogiramu yezuva regungano chairo regore rebasa ra2005. Nyaya inoti “Urongwa Hutsva Hwokudzokorora Purogiramu Dzemagungano,” iri papeji 4 yewedzero ino, inotsanangura kuti izvi zvichaitwa sei. Pakudzokorora kwacho, ronga nguva kuitira kuti ikodzere chikamu chimwe nechimwe kuti mibvunzo yose ibvunzwe. Kudzokorora kwacho kunofanira kuratidza mashandisiro atingaita mashoko akapiwa.
MANGWANANI
1. Nei kuteerera Jehovha kuchingoramba kuchiwedzera kudiwa? Zvinorevei kuteerera? (“Nei Tichifanira Kuteerera Inzwi raJehovha”)
2. Mhuri dzingaramba sei dziine purogiramu yakanaka yokuita zvinhu zvokunamata? (“Mhuri Dzinoteerera Shoko raMwari Pasina Kutsauswa”)
3. Vanhu vari mudunhu vakashandisa sei mikana yokupupurira zvisina kurongwa? (“Kuita Zvinhu Zvose Kuti Mwari Apiwe Mbiri”)
4. Tinodzidzei mumuenzaniso unonyevera uri pana VaHebheru zvitsauko 3 ne4? Nhasi Jehovha ari kutaura sei nesu? (“Kuteerera Mwari Paanotaura Kunotidzivirira”)
5. Wakabatsirwa sei nehurukuro yorubhabhatidzo? (“Kuzvitsaurira Nokubhabhatidzwa”)
MASIKATI
6. Tingazivei nezvaJesu paaiva pwere, uye pwere dziri mudunhu dziri kutevedzera sei muenzaniso wake? (“Kusimbiswa Kunoitwa Pwere Dzedu Nokunyatsoteerera Shoko raMwari”)
7. Vabereki vangatanga kudzidzisa vacheche nevana vaduku nzira dzipi dzaJehovha? (“Vechiduku Vanoteerera Mwari Vodzidza”)
8. Tinofanira kuteerera Jehovha, Mwanakomana wake, uye “muranda akatendeka, akangwara” muzvinhu zvipi chaizvo? (Mat. 24:45) Nei zvichikosha kuti tidaro? (“Ramba Uchiteerera Kurayira kwaMwari”)