Purogiramu Itsva Yezuva reGungano Chairo
Kana tikaona kana kuti kunzwa nyevero asi torega kuita chimwe chinhu, migumisiro yacho inogona kuva nenjodzi. Zvinotokosha zvikuru kuita maererano nemirayiridzo yezvokunamata inopiwa naJehovha. Izvi zvichasimbiswa mupurogiramu yezuva regungano chairo yegore rebasa riri kuuya. Musoro wacho unoti “Chenjerai Mateererere Enyu.”—Ruka 8:18.
Muhurukuro yake yokutanga, mukurukuri anoshanya achakurukura kuti mazano ari muzvitsauko zvokutanga zvetsamba yaPauro yakafuridzirwa yokuvaHebheru anoshanda sei kwatiri nhasi. Muhurukuro yokugumisa inoti, “Ramba Uchiteerera Kurayira kwaMwari,” achabatsira vose kuongorora kana vari kuteerera Jehovha zvechokwadi, Mwanakomana wake, uye “muranda akatendeka, akangwara.”—Mat. 24:45.
Hurukuro dzinoverengeka dzepurogiramu yacho dzichabatsira zvikuru mhuri. Hurukuro inoti, “Mhuri Dzinoteerera Shoko raMwari Pasina Kutsauswa” ichatibatsira kuita kuti zvinhu zvenyika zvisativhunga mune zvokunamata. Ichasanganisira kubvunzurudza vaya vakachinja kuitira kuti vaise zvinhu zvokunamata pokutanga. Hurukuro inoti, “Kusimbiswa Kunoitwa Pwere Dzedu Nokunyatsoteerera Shoko raMwari” ichasanganisira kubvunzurudzwa kwepwere dzakatsigira chokwadi kuchikoro, kune vezera radzo, kana kuti muushumiri. Hurukuro inoti, “Vechiduku Vanoteerera Mwari Vodzidza” ichatibatsira kuti tisarerutsa mano okudzidza evechiduku. Kubvunzurudza vechiduku nevabereki vavo kuchatibatsira kuona zvakanaka zvinobva pakudzidzisa vana nzira dzaJehovha kubvira paucheche.
Kunyange zvazvo Satani “ari kutsausa pasi rose rinogarwa,” Jehovha ari kuratidza vashumiri vake vakatendeka nzira yavanofanira kufamba nayo. (Zvak. 12:9; Isa. 30:21) Kunyatsoteerera uye kushandisa mazano ake muupenyu hwedu kunotichenjedza, kunoita kuti tifare, uye kunotungamirira kuupenyu husingaperi.—Zvir. 8:32-35.