Chikamu 5—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
Kuona Kuti Mungakurukura Zvakawanda Sei
1 Paaidzidzisa, Jesu aifungisisa zvaiva zvisingakwanisi kuitwa nevadzidzi vake, achitaura navo “kusvikira pavaikwanisa kuteerera napo.” (Mako 4:33; Joh. 16:12) Saizvozvowo, nhasi vadzidzisi veShoko raMwari vanofanira kuona kuti vangakurukura zvinhu zvakawanda sei pakudzidza Bhaibheri. Kuwanda kwezvingakurukurwa kuchabva pamano uye mamiriro ezvinhu omudzidzisi nomudzidzi wacho.
2 Vaka Kutenda Kwakasimba: Vamwe vadzidzi vangada kudzidza kaviri kana kuti katatu kuti vanzwisise zvinhu zvinganzwisiswa nyore nyore nevamwe vadzidzi pavanodzidza kamwe chete. Hatidi kutadzisa mudzidzi kunzwisisa zvakajeka pamusana pokuti tinoda kukurumidza kupedza. Mudzidzi wose anoda hwaro hwakasimba hwokutenda kwake kwaachangowana muShoko raMwari.—Zvir. 4:7; VaR. 12:2.
3 Sezvaunoitisa chidzidzo chacho vhiki nevhiki, pedza chero nguva yakakodzera kuti ubatsire mudzidzi kunzwisisa uye kugamuchira zvaari kudzidza muShoko raMwari. Usadzidzisa nechimbi-chimbi izvo zvingatadzisa mudzidzi kuona kukosha kwechokwadi chiri kudzidziswa. Zvipe nguva yakakwana yokukurukura pfungwa huru uye magwaro anokosha ayo anopa hwaro hwedzidziso dzacho.—2 Tim. 3:16, 17.
4 Usatsauswa: Kunyange zvazvo tisingadi kudzidza zvechimbi-chimbi, tinodawo kudzivisa kutsauswa. Kana mudzidzi achida kutaura zvakawandisa nezvoupenyu hwake, tingada kuronga kuzokurukura izvi tapedza kudzidza.—Mup. 3:1.
5 Ukuwo, kufarira kwatinoita chokwadi kungaita kuti zvitiomere kusataura zvakanyanyisa pakudzidza kwacho. (Pis. 145:6, 7) Pano neapo, mudzidzi angabatsirwa kana tikataura pfungwa isiri mundima kana kuti zvakaitika, asi hatingadi kuti izvi zvive zvakawandisa kana kuti zvakarebesa zvokuti zvinokanganisa mudzidzi kuwana zivo yakarurama yedzidziso dzinokosha dzeBhaibheri.
6 Tikakurukura mashoko akawanda zvakakodzera pakudzidza kumwe nokumwe, tinobatsira vadzidzi veBhaibheri kuti va“fambe muchiedza chaJehovha.”—Isa. 2:5.