RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/05 p. 1
  • Chikwereti Chatiinacho Nevanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikwereti Chatiinacho Nevanhu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Zvamungaita Kana Mune Chikwereti
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Matambudziko Emari Uye Zvikwereti​—Bhaibheri Rinogona Kubatsira Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Vanhu Pavanenge Vasiri Pamba
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Ushumiri Hwepaimba Neimba—Nei Huchikosha Iye Zvino?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 7/05 p. 1

Chikwereti Chatiinacho Nevanhu

1 Muapostora Pauro ainzwa kuti aifanira kuparidzira vanhu. Aiziva kuti Jehovha akaita kuti vanhu vose vaponeswe achishandisa ropa rinokosha roMwanakomana Wake. (1 Tim. 2:3-6) Saka, Pauro akati: “Ndine chikwereti kune vaGiriki nevasiri vaGiriki, kune vakachenjera nokuna mapenzi.” Akashanda nomwoyo wose uye asingazorori kuti abhadhare vanhu chikwereti chake nokuvaudzawo mashoko akanaka.—VaR. 1:14, 15.

2 Sezvaiita Pauro, vaKristu nhasi vanoedza kuudzawo vavakidzani vavo mashoko akanaka pose pavanowana mukana. Sezvo “kutambudzika kukuru” kuri kukurumidza kusvika, tinofanira kukurumidza kutsvaka vanhu vanofarira nomwoyo wose. Kuda vanhu zvechokwadi ngakuite kuti tishande nesimba mubasa iri rokuponesa upenyu.—Mat. 24:21; Ezek. 33:8.

3 Kubhadhara Chikwereti Chedu: Nzira huru yatinogona kutaura nayo nevanhu ndeyokuparidza pasuo nesuo. Mundima dzine vanhu vakawanda vasingawanzowaniki pamba, kuchengeta zvinonyorwa zvakarurama uye kudzokerazve panguva dzakasiyana-siyana kuchatibatsira kuonana nevanhu vakawanda. (1 VaK. 10:33) Tinogonawo kutaura nevanhu vakawanda nokuparidzira mundima yebhizimisi, pamigwagwa, mumapaki, mokupaka motokari, uye norunhare. Tingazvibunza kuti, ‘Ndiri kuita zvose zvandinokwanisa kuti ndishandise nzira dzose dzokuparidza nadzo kuti ndiudzewo vamwe mashoko oupenyu here?’—Mat. 10:11.

4 Mumwe piyona akanzwa aine chikwereti chikuru chokuti aparidzire vanhu vose mundima yake. Pane imwe imba, maketeni aigara akavharwa uye pamba pacho paigara pasina munhu. Zvisinei, rimwe zuva piyona wacho paakanga asiri kuparidzira, akaona motokari yakanga iri pamberi peimba iyi. Asingadi kurasikirwa nomukana wacho, akaridza bhero repadhoo. Mumwe murume akauya, uye kukurukurirana kwokutanga kwakaita kuti hanzvadzi iyi nomurume wayo vazoshanyazve kanoverengeka. Gare gare, murume wacho akabvuma kudzidza Bhaibheri, uye iye zvino ava hama yakabhabhatidzwa. Anofara kuti hanzvadzi iyi yakanzwa iine chikwereti chokuparidzira vamwe.

5 Nemhaka yokuti nguva iri kukurumidza kufamba, iye zvino ndiyo nguva yokuripira chikwereti chedu kuvanhu nokushanda nesimba mubasa rokuparidza.—2 VaK. 6:1, 2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe