Vanhu Pavanenge Vasiri Pamba
1. Chinetso chipi chatinowanzowana patinenge tichiita ushumiri hwepasuo nesuo?
1 Munzvimbo dzakawanda kuwana vanhu pamba kuri kuramba kuchioma. Mu“nguva dzinonetsa” dzino, vakawanda vari kumanikidzwa kushanda maawa akawanda kuti vawane chouviri. (2 Tim. 3:1) Vamwe vangave vasiri pamba vachitenga kana kuti vachitandara. Tingaita sei kuti tikurukure nevanhu vakadaro mashoko akanaka?
2. Tingava sei nechokwadi chokuti vasiri pamba vachashanyirwa?
2 Chengeta Mashoko Akakwana: Danho rokutanga nderokunyora vaya vanenge vasiri pamba. Izvi zvinokosha zvikuru kana uchigara uchishanda ndima yako. Unonyora here zita romugwagwa, nhamba yendima, zita rako, uye musi? Ungasiya nzvimbo yokunyora mamwe mashoko kana iwe kana kuti mumwe muparidzi akadzokazve kuzoshanda dzimba dzevaiva vasiri pamba. Kana wapedza kupupurira, yeuka kupa mashoko acho kumuridzi wendima yacho kutoti kana abvuma kuti ushande mudzimba dzevainge vasiri pamba. Shandisa rimwe pepa kuti unyore vapi nevapi vanofarira vakawanikwa vauchadzokerazve kunoona.
3. Ndeapi mamwe mazano angashandiswa kuti tiwane vaya vasiri pamba?
3 Edza Pane Imwe Nguva Yakasiyana: Zvichida vamwe vaisava pamba mukati mevhiki vangavapo manheru kana kuti kupera kwevhiki. Ungaronga purogiramu yako kuti ugodzokerazve panguva yakakodzera here? (1 VaK. 10:24) Kana zvisingaiti ungapa pepa rine vakanga vasiri pamba kumuparidzi anogona kudzokera pane imwe nguva yakasiyana neyawakaenda. Kana kuti unganyorera tsamba vaya vaisava pamba kana kuti kuvaridzira runhare. Vaparidzi vane zvirwere zvinovatadzisa kuita zvakawanda mubasa repasuo nesuo vangafara kukubatsira kuita basa iri.
4. Chii chinoratidza kuti kudzokera kune vanenge vasiri pamba kunokosha?
4 Chimwe chiitiko chinoratidza nei zvakakosha kuedza kuwana vaya vanenge vasiri pamba. Pashure pokunge vaparidzi vashanya vashanyazve pane imwe imba kwemakore matatu, saimba wacho akazowanika. Vakazoziva kuti nguva yose iyoyo saimba wacho akanga akamirira kuti Chapupu chiuye kuti apfuudzire kudzidza Bhaibheri kwaaiita asati atamira kunzvimbo iyi.
5. Ndirini panganzi ndima yashandwa zvakakwana?
5 Shanda Ndima Zvakakwana: Ndirini panganzi ndima yashandwa zvakakwana? Kakawanda, kana taedza zvatinogona kuona munhu paimba imwe neimwe. Zvingava zvakanaka kusiya turakiti kana kuti magazini yekare nokungwaririra patinenge tawana pasina vanhu, kunyanya mundima dziya dzisingawanzoshandwa. Ndima yacho inofanira kushandwa zvakakwana mumwedzi mina. Zvadaro inofanira kuongororwa kuitira kuti mutariri wendima agadzirise zvinyorwa zvake zvichienderana nezvavapo.
6. Nei tichifanira kuudza munhu wose ari mundima yedu mashoko akanaka?
6 Tinoda kuti vanhu vakawanda sezvingabvira vawane mukana wokudzidza kudana pazita raJehovha voponeswa. (VaR. 10:13, 14) Izvi zvinosanganisira vaya vangave vasiri pamba patinoshanya paimba neimba. Somuapostora Pauro, ngachive chido chako ‘kupupurira kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari.’—Mab. 20:24.