Kutanga Kudzidza Bhaibheri Nomunhu Pasuo uye Parunhare
1, 2. Tingachinja sei purogiramu yedu yokudzidzisa Bhaibheri kuti tibatsire vanhu vakabatikana?
1 Nhasi vanhu vakabatikana. Asi, vakawanda vanofarira zvinhu zvokunamata. Tingavabatsira sei kuti vagutse zvavanoda pakunamata? (Mat. 5:3) Vaparidzi vakawanda vanokwanisa kudzidza Bhaibheri nevanhu pasuo ravo kana kuti parunhare. Ungawedzera ushumiri hwako nenzira iyi here?
2 Kuti titange kudzidza Bhaibheri nomunhu, tinofanira kunge takagadzirira kuenzanisira kudzidza kwacho pose panomuka mukana wacho. Izvi zvingaitwa sei uye kupi?
3. Nei uchifanira kuenzanisira kudzidza Bhaibheri pakushanya kwokutanga, uye izvi zvingaitwa sei?
3 Pasuo: Paunosangana nomunhu anoda kutaura zveBhaibheri, ingovhura ndima yawakafanogadzirira, yakadai sendima yokutanga yechidzidzo 1 mubhurocha raAnodei, wobva watanga. Verenga ndima yacho, bvunza mubvunzo, uye kurukura rugwaro rumwe kana maviri aripo. Kazhinji izvi zvingaitwa pasuo chaipo mumaminitsi mashanu kusvika kugumi. Kana munhu wacho akafarira kukurukura kwacho, ronga kuti muzokurukura ndima imwe kana mbiri dzinotevera pane imwe nguva.—Mamwe mazano pamusoro pokutanga kudzidza pakushanya kwokutanga angawanikwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002, papeji 6.
4. Tingatanga sei kudzidza Bhaibheri pasuo patinodzokerazve?
4 Nzira yakafanana ingashandiswa kutanga kudzidza Bhaibheri paunodzokerazve. Somuenzaniso, ungaratidza bhurocha raAnodei mokurukura zita raMwari, uchishandisa chidzidzo 2, ndima 1-2. Paunodzokerazve, ungakurukura zvinotaura Bhaibheri pamusoro pounhu hwaJehovha, uchishandisa ndima 3-4. Pakudzidza kunotevera, ungakurukura ndima 5-6 uye mufananidzo uri papeji 5 kuratidza kuti kudzidza Bhaibheri kunobatsira sei kuziva Jehovha. Zvose izvi zvinogona kuitwa wakamira pasuo.
5, 6. (a) Nei vamwe vanhu vangada kudzidza Bhaibheri parunhare? (b) Tingataura sei kana tichida kuudza munhu kuti tingada kudzidza naye norunhare?
5 Parunhare: Vamwe vanhu vangada kudzidza Bhaibheri norunhare panzvimbo pokushanyirwa. Chimbofunga zvakaitika zvinotevera: Payaiparidza paimba neimba, imwe hanzvadzi yakasangana nomukadzi wechiduku vari amai vanoenda kubasa. Hanzvadzi yacho paisina kuzomuonazve pamba, yakasarudza kumuridzira runhare. Mukadzi wechiduku uyu akatsanangura kuti akanga asina zvachose nguva yokukurukura Bhaibheri. Hanzvadzi yacho yakati: “Mumaminitsi 10 kana 15, munogona kudzidza chimwe chinhu chitsva, kunyange parunhare.” “Kana pari parunhare, saka ZVAKANAKA!” mukadzi wacho akapindura kudaro. Pasina nguva, vakanga vava kudzidza parunhare nguva dzose.
6 Vamwe vaunoshanyira vangada kudzidza parunhare here? Unogona kuedza zvichangobva kutsanangurwa pamusoro, kana kuti ungangoti: “Kana muchida, tinogona kukurukura Bhaibheri parunhare. Zvingakunakirai here?” Nokuchinja purogiramu yedu yokudzidzisa Bhaibheri kuti ienderane nemamiriro ezvinhu evamwe, tingavabatsira “kuwana zivo yaMwari.”—Zvir. 2:5; 1 VaK. 9:23.