RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/01 pp. 5-6
  • Kupupura Norunhare Kunobudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupupura Norunhare Kunobudirira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Kupupurira Norunhare Kunogona Kubudirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Kutanga Kudzidza Bhaibheri Nomunhu Pasuo uye Parunhare
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Paridza Mashoko Akanaka Kwose Kwose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 2/01 pp. 5-6

Kupupura Norunhare Kunobudirira

1 Chinangwa chedu seZvapupu zvaJehovha hachisi chokungobatikana mukuparidza mashoko akanaka asiwo kutaurira munhu wose watinokwanisa kuudza shoko roUmambo. (Mab. 10:42; 20:24) Nepo basa repaimba neimba richiramba riri nzira huru yokuwana nayo vanhu, tinoziva kuti kunyange nomutoo iwoyo wakarongeka hationani nomunhu ari wose. Saka kuti ‘tiite ushumiri hwedu kwazvo,’ tiri kushandisa mimwe mitoo—kusanganisira kupupura norunhare—kuti tiwane vanhu vakafanana nemakwai.—2 Tim. 4:5.

2 Munzvimbo dzakawanda, vanhu vanogara muzvivako zvinochengetedzwa zvikuru, zvivako zvinogara mhuri dzakawanda, kana kuti nzanga dzine magedhi anochengetedzwa, dzakaoma kuti tishandise mutoo wedu wenguva dzose wokutaura nevanhu wepaimba neimba. Kunyange mundima dzatingashanda paimba neimba, vanhu vakawanda havawaniki pamusha. Zvisinei, vaparidzi vakawanda vari kubudirira zvikuru kusvika kunzvimbo idzi norunhare. Vachishanda paimba neimba mamwe mangwanani, vamwe varoorani vakanga vashayiwa vanhu padzimba pfumbamwe. Vadzokera kuHoro yoUmambo, vakavatsvaka mubhuku renhamba dzenhare rine kero nenhamba zvakatevedzana. Vakaridza runhare panhamba dzacho ndokuwana vasere vevanasaimba vacho vari paimba!

3 Unozengurira kupupura norunhare here muushumiri hwako? Imwe hama yakabvuma kuti: “Handidi munhu upi noupi anondiridzira runhare kumba kuti anditengesere chimwe chinhu, saka handidi nzira iyi yokupupura.” Zvisinei, pashure pokungoridza runhare kaviri, yakati: “Ndinoida! Handina kumbofunga kuti izvozvo zvaigona kuitika, asi ndinoida! Vanhu vakasununguka parunhare, uye unotaura zvose zvaunoda. Izvi zvinobudirira zvikuru!” Imwe hanzvadzi yakavawo nemigumisiro yakadaro yakati: “Chaizvoizvo ndakanga ndisinganakidzwi nokupupura norunhare. Kukutaurirai chokwadi, ndakanga ndisingadi kuzviita. Asi ndakazviedza ndokuona zvichibudirira zvikuru. Ndine shanyo dzokudzoka 37 dzokupupura norunhare uye vanhu vokudzidza navo vakawanda kupfuura vandingagona kudzidza navo!” Kana uchida kuedza kupupura norunhare, ungangobudirirawo.

4 Kuronga Kupupura Norunhare: Basa rokupupura reungano rinotarisirwa nomutariri webasa. Zvichitsamira pane zvinodiwa, dare revakuru ringasarudza kugadza mumwe mukuru kana kuti mushumiri anoshumira anokwanisa kuti ashande pamwe chete naye pakuronga kupupura norunhare. Hama inotarisira ndima inofanirawo kubatanidzwa, sezvo ichagovera ndima ndokuchengeta chinyorwa chinofambirana nenguva. Saizvozvowo, mutariri wedunhu achada kuziva nezvokufambira mberi kwepurogiramu yacho.

5 Kana pane nzvimbo mundima menyu dzisingasvikiki nokupupura paimba neimba, ndima dzorunhare dzinofanira kugadzirwa. Hama yakagoverwa ichanyatsoronga kero dzinofanira kuchinjirwa kundima dzakadaro, idzo dzinofanira kuchengetwa dziri duku zvikuru kuitira kuti dzishandwe nguva nenguva. Mepu dzendima dzose dzine nzvimbo idzodzo dzinofanira kuiswa chiratidzo chinoratidza kuti chikamu chakati ndechokupupura norunhare.

6 Ungawana kupi nhamba dzenhare? Bhuku renhamba dzenhare rine nhamba nekero zvakatevedzana ringawanikwa paraibhurari yavose. Kana chivako chinochengetedzwa zvikuru chine nhare dzacho dzakarongwa, zvichida unogona kuwana nhamba ipapo. Dzimwe nguva, zvingabvira kukopa mazita evagari vepo mubhuku renhamba dzenhare riri panosvikira vanhu ndokuaisa mubhuku rine mazita achiteverwa nenhamba dzacho.

7 Vakuru vangaratidza kufarira zvikuru basa iri nokuronga kuti vaya vane ruzivo rwokupupura norunhare vadzidzise vamwe, zvichida nepurogiramu yeMapiyona Anobatsira Vamwe. Nguva nenguva, chikamu chezvinodiwa zveungano paMusangano Webasa chingapedzerwa kunatsiridza kubudirira kworudzi urwu rwokupupura.

8 Vakuru pavanoenda kunofudza vakaremara kana kuti ndonda, vangayeuka kukurudzira vakadaro kuti vapupure norunhare. Zvichida mukuru angaridza runhare zvishoma muparidzi wacho achicherechedza. Zvadaro muparidzi wacho angava nomukana wokuridza runhare. Vakawanda vakatanga vachidai vanopedza maminiti mashomanana zuva rimwe nerimwe mubasa iri, uye vanonyatsorida.

9 Mazano Okubudirira: Jesu paakatuma vadzidzi vake kunoparidza, a“kafanovatuma vaviri vaviri.” (Ruka 10:1) Nei? Aiziva kuti vakashanda pamwe chete vaizodzidzisana uye vaizokurudzirana. Izvi ndezvechokwadiwo nokupupura norunhare. Nokushanda muri vaviri, munogona kudzidzisana, kukurukura zvamaita, uye kupa mazano ehurukuro inotevera. Kunyange pamunenge muchiridza runhare, munogona kubatsirana kuona mashoko akakodzera.

10 Kuti ufunge zvakanaka uye unyatsoteerera, gara paunogona kuisa mabhuku ako okupupura nawo—Bhaibheri, bhuku rinonzi Kurangarira, bhurocha rinonzi Anodei, magazini, nezvimwe—mberi kwako. Nyora mharidzo, uye dziise paunogona kudziona. Gadzirira kuchengeta zvinyorwa zvakarurama uye zvakakwana, kusanganisira musi nenguva kuitira kuti ugoziva kuti ndirini paunofanira kutevera kufarira kwakawanikwa.

11 Vanhu vanowanzongwarira pavanonzwa inzwi ravasina kujaira parunhare. Saka iva ane rudo, ushamwari, uye unyanzvi. Saimba anonzwa inzwi rako chete kuti azive tsika dzako uye kuti uri wepachokwadi. Sununguka uye taura zvinobva pamwoyo pako. Taura zvishoma nezvishoma uye zvakajeka uye neinzwi rinonzwika zvakanaka. Bvumira saimba mukana wokutaura. Shandisa zita rako rakazara, uye taura kuti unogara munzanga yacho. Hatidi kuti vanhu vafunge kuti tiri vashambadzi vezvinhu veparunhare. Pane kutaura kuti uri kuridzira runhare vagari vose muchivako chakati, muudze kuti waridzira iye chete.

12 Mharidzo Norunhare: Sumo dzakawanda dziri pamapeji 9-15 ebhuku rinonzi Kurangarira dzinogona kuchinjirwa kukupupura norunhare. Ungati: ‘Ndiri kukuridzirai runhare nokuti handikwanisi kuuya kuzokuonai. Chinangwa changu chokuridza runhare ndechokuda kunzwa pfungwa dzenyu pamubvunzo unofadza zvikuru.” Ipapo bvunza mubvunzo wacho.

13 Mharidzo yokutanga pasi pomusoro unoti “Utsotsi/Kotsekano” ingashandiswa seizvi: “Kwaziwai. Zita rangu ndi_____. Ndinogara munzvimbo ino. Ndinoda kukuvimbisai kuti handisi kutengesa chimwe chinhu kana kuongorora. Ndiri kuridza runhare nemhaka yokuti ndine hanya nokuchengeteka kwevanhu. Pane utsotsi hwakawanda hwakatipoteredza, uye hunochinja upenyu hwedu. Munofunga kuti nguva ichauya apo vanhu vose vachakwanisa kufamba mumugwagwa usiku vakachengeteka here? [Bvumira mhinduro.] Regai ndiverenge izvo Mwari akapikira kuita.”

14 Kutaura zvakananga nezvezvidzidzo zveBhaibheri parunhare kwakava nemigumisiro yakanaka. Chidzidzo chacho chingaenzanisirwa mumaminiti mashomanana. Kumbira kushanyira munhu wacho kumba kwake kuti mupfuurire kudzidza, kana kuti kana munhu wacho asingadi, mukumbire kuzopfuudzira chidzidzo chacho parunhare rimwe zuva.

15 Pakunopedzisa kukurukurirana, funga nezvechimwe chinhu chichaita kuti ushanyire munhu wacho kumba kwake kana kuti kumutumira bhuku. Kana munhu wacho achizengurira kukupa kero yake, muudze kuti uchamuridzirazve runhare. Ungamuridzira runhare kanoverengeka asati anzwa akasununguka zvakakwana kukukoka kumba kwake.

16 Tanga Iwe: Imwe hanzvadzi ine makore 15 yaitanga basa rayo remangwanani nokuridza runhare. Yakataura nomumwe mukadzi akabvuma kugamuchira bhuku rinonzi Zivo. Hanzvadzi yacho payakaendesa bhuku riya kumba kwacho, mukadzi wacho akada kuziva kuti pwere yacho yaiziva sei nhamba dzake dzenhare, sezvo dzakanga dzisiri mubhuku renhamba dzenhare. Hanzvadzi yacho yakanga yadziridza isingazivi! Mukadzi wacho akabvuma kudzidza uye iye zvino muparidzi asina kubhabhatidzwa.

17 Imwe hanzvadzi yakawana ndima yorunhare asi yakamborega kuishanda kwevhiki nhatu nemhaka yokutya. Chii chakazoishingisa kuti itange kuishanda? Inoyeuka nyaya yeMukai! yechiRungu yaJanuary 22, 1997, yaiva nomusoro unoti “Pandinenge Ndisina Simba, Ndipo Pandine Simba.” Yaiva pamusoro pechimwe Chapupu chinoparidza norunhare pasinei nokuremara. Hanzvadzi yacho yakati: “Ndakanyengetera kuna Jehovha ndokukumbira simba. Ndakamukumbira kuti andipe mashoko akakodzera okuti ndipe mharidzo yangu.” Chii chakaitika pazuva rayakatanga kupupura norunhare? Inoti: “Jehovha akapindura munyengetero wangu. Vanhu vakanditeerera, uye ndakaronga kuridzazve.” Gare gare kupupura kwayo norunhare kwakaguma nechidzidzo cheBhaibheri. Inogumisa ichiti: “Jehovha akandidzidzisazve kuvimba naye kwete kuzvivimba.”—Zvir. 3:5.

18 Kuparidzira parunhare chokwadi kwazova mutoo unobudirira wokuparidza mashoko akanaka. Nyatsogadzirira, uye ita nomwoyo wose. Usaora mwoyo kana usina kubudirira pakuedza kushomanana kwokutanga. Nyengeterera nhungamiro yaJehovha, uye kurukura nevamwe vari kuparidza nenzira iyi inonakidza. Tiine chido chokutaura nomunhu wose mundima yedu, ngatiitei zvikuru ushumiri hwedu nokukurumidza.—VaR. 10:13, 14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe