Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokuchinja Zvichienderana Nemamiriro Ezvinhu
1 Muapostora Pauro akaratidza muenzaniso wakanaka wokugara achichinja mharidzo dzake dzemashoko akanaka kuti dzienderane nemamiriro ezvinhu uye mafungiro zvevateereri vake. (1 VaK. 9:19-23) Tinofanira kuedza kuita saizvozvo. Kana tikafanogadzirira, kazhinji tinogona kuchinja mharidzo dzomuenzaniso dzinowanikwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo kuti dzienderane nezvinodiwa nevanhu mundima yedu. Sezvatinosvika pasuo, tingaona zvinhu zvinoratidza kuti saimba anofarira chii toshandisa izvozvo mumharidzo yedu. Zvisinei, pane imwezve nzira yatingachinja nayo mharidzo muushumiri hwedu.
2 Chinja Zvichienderana Nezvataurwa Nasaimba: Patinokurukura mashoko akanaka, tinowanzobvunza mubvunzo tomirira mhinduro yavanasaimba. Unoona sei mhinduro yake? Unongobvuma zvechipameso here woenderera nemharidzo yako yawakagadzirira? Kana kuti zvaunotaura zvinoratidza here kuti une hanya nezvataurwa navanasaimba? Kana ukaratidza kuti unonyatsofarira zvinotaurwa nevamwe, ungashandisa mibvunzo yokuwedzera uchingwarira kuti uzive zvavari kufunga. (Zvir. 20:5) Saka unogona kukurukura zvinhu zvine chokuita neshoko roUmambo zvinonyatsotaura zvinhu zvinonetsa muteereri.
3 Izvi zvinoreva kuti tinofanira kuda kutaura nyaya dzisiri dziya dzatinenge takaronga kuzokurukura. Kana tikatanga nokutaura nezvedambudziko rinenge riri mupepanhau saimba obva ataura zviri kuitika munharaunda kana kuti zviri kumunetsa, kufarira kwatinoita nomwoyo wose kumubatsira kuchaita kuti tichinje zvatiri kutaura zvomuBhaibheri kuti zvienderane nenyaya inonyanya kukosha kwaari.—VaF. 2:4.
4 Kuchinja Mharidzo Dzedu Kuti Dzienderane Nemamiriro Ezvinhu: Kana saimba akabvunza mubvunzo, zvingabatsira kuti tizoukurukura pane imwe nguva patinenge tatsvaka mashoko okuwedzera pamusoro penyaya yacho. Tinogonawo kumupa mabhuku anotsanangura zvakadzama nyaya yacho. Zvose izvi zvinoratidza kuti tinonyatsofarira kubatsira vamwe kuti vasvike pakuziva Jehovha.—2 VaK. 2:17.