Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kufarira Munhu
Nei Zvichikosha? Jesu aiona munhu mumwe nemumwe sezvaari, achiratidza kuti anomufarira. Somuenzaniso, pane imwe nguva Jesu anofanira kunge akaona kunyara kwaiita mumwe murume aiva matsi, saka akamubvisa pane boka revanhu, ndokumurapa ari oga. (Mako 7:31-35) Akaratidza kuti aiziva zvaisagona kuitwa nevadzidzi vake, saka haana kuvadzidzisa zvakawandisa. (Joh. 16:12) Kunyange zvazvo iye zvino ava mambo kudenga, Jesu anofarira munhu mumwe nemumwe. (2 Tim. 4:17) Sevateveri vaKristu, tinoda kumutevedzera. (1 Pet. 2:21; 1 Joh. 3:16, 18) Uyewo, tichabatsira vanhu zvikuru muushumiri kana tikaratidza kuti tinonzwisisa saimba, tichifunga nezvemamiriro ake ezvinhu, zvaanofarira, uye zviri kumunetsa. Kazhinji kacho anoteerera kana akaona kuti hatina kungouya kuti timuudze shoko kana kuti timupe mabhuku, asi kuti tinomufarira.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Pamunenge muchiita kunamata kwemhuri, kana kuti pamunenge muri muushumiri, dzidzirai muchiita kuti muparidzi achinje mharidzo yake kuti ienderane nenyaya yataurwa nasaimba.
Pane mimwe misangano yebasa romumunda, hama inenge ichitungamirira inogona kukurukura kana kuti kuenzanisira kuratidza kwatingaita kuti tiri kufarira saimba.