Nakidzwa Nokudzidza Kwatichaita Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
1 Chinhu chaifadza paGungano Reruwa raiva nomusoro unoti “Kuteerera Mwari,” kwaiva kubudiswa kwebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Nokukurumidza tichange tava kurishandisa zvakanyanya muushumiri hwedu hwomumunda, zvikurukuru patinodzidza nevanhu Bhaibheri. Saka, tinofanira kunyatsoziva bhuku idzva iri. Izvi zvichaita nokuti tichange tichiridzidza kuChidzidzo Chebhuku Cheungano kutanga nevhiki yaApril 17, 2006.
2 Mutariri weChidzidzo Chebhuku Cheungano achaverenga mibvunzo iri panotangira chitsauko choga choga. Zvadaro chidzidzo chacho chichaitiswa pachishandiswa mibvunzo inenge iri pasi pepeji yacho. Magwaro anotsigira pfungwa huru achaverengwa okurukurwa, uye bhokisi rakanzi “Zvinodzidziswa neBhaibheri” riri panoperera chitsauko choga choga richabatsira pakudzokorora zvinenge zvadzidzwa nokuti bhokisi racho rine mhinduro dzomuMagwaro dzemibvunzo iri panotangira chitsauko. Uchanakidzwa nokupindura sezvo bhuku iri richitsanangura nyaya dzirimo zvakajeka, zviri nyore, uye zvinofadza.
3 Mashoko okuwedzera ari mubhuku iri anotsanangura nyaya dzakasiyana-siyana. Tichakwanisa kushandisa mashoko aya vadzidzi veBhaibheri pavanenge vachida mashoko okuwedzera pane imwe nyaya. Zvikamu zvemashoko okuwedzera zvichakurukurwa pane dzimwe nguva paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Mashoko ose okuwedzera enyaya iri kudzidzwa achaverengwa nomuverengi wechidzidzo chebhuku, uye nyaya dzakareba dzinogona kukurukurwa muzvikamu. Mashoko okuwedzera haana mibvunzo. Asi mutariri anogona kuita kuti vanhu vanenge varipo vatsinhire nokuvabvunza mibvunzo inobudisa pfungwa huru.
4 Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? richadzidzwa nokukurumidza paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Hatisi kutarisirwa kuti tidzidze nenzira iyi patinenge tichidzidza bhuku racho nevamwe, kunyanya kana vasina ruzivo rweBhaibheri kana kuti vaine rushoma chete. (Mab. 26:28, 29) Pakudzidza nevanhu pamusha, tichafanira kunyatsokurukura magwaro, kutsanangura mifananidzo nezvimwewo. Saka vavarira kuti uvepo vhiki dzose wovawo nezvaunoita zvizere patichadzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?