Tevedzera Mudzidzisi Mukuru Paunenge Uchishandisa Bhaibheri Rinombodzidzisei?
1. Jesu aidzidzisa sei?
1 Mudzidzisi Mukuru, Jesu, nguva dzose aitsanangura zvinhu nenzira iri nyore, yakajeka. Kuti aite kuti vateereri vake vafunge, dzimwe nguva aitanga avabvunza zvavanofunga. (Mat. 17:24-27) Aitaura zvaibva muShoko raMwari. (Mat. 26:31; Mako 7:6) Aingwarira kuti asaremedza vadzidzi vake nemashoko akawanda, achiziva kuti vaizoramba vachidzidza. (Joh. 16:12) Jesu aidawo kuziva kana vadzidzi vake vaitenda uye kana vainzwisisa zvaaivadzidzisa. (Mat. 13:51) Bhaibheri Rinombodzidzisei? rakagadzirirwa kutibatsira nenzira yakafanana.
2. Tingashandisa sei mibvunzo yokutanga yechitsauko choga choga?
2 Mibvunzo Yokutanga: Paunotanga chitsauko, zvinobatsira kuti mukurukure mibvunzo yokutanga iri pasi pomusoro wacho. Bvunza mibvunzo yacho usingatarisiri kuti mudzidzi apindure asi uchiitira kuti atarisire zvaachadzidza. Kana kuti ungamukumbira kuti atsinhire zvishoma pamibvunzo yacho. Hamufaniri henyu kukurukura mhinduro dzake kwenguva refu kana kuti kugadzirisa zvose zvisina kururama zvaanenge ataura. Unogona kungomutenda nepfungwa dzake motanga kudzidza nyaya yacho. Zvaanopindura pamibvunzo yokutanga zvichakubatsira kuziva kana uchifanira kunyatsotsanangura zvimwe zvikamu zvechidzidzo chacho.
3. Tingaita sei kuti chidzidzo chirambe chiri nyore?
3 Magwaro: Chidzidzo chacho chinofanira kuvakirwa paMagwaro. (VaH. 4:12) Zvisinei, hazvidiwi hazvo kuti muverenge magwaro ose aripo. Verenga aya anoratidza pakavakirwa zvatinotenda. Magwaro anopa mashoko okuwedzera angasafanira hawo kuverengwa. Bhaibheri Rinombodzidzisei? rinoratidza chokwadi nenzira iri nyore. Chidzidzo chacho ngachirambe chiri nyore. Pfungwa huru ndidzo dzaunofanira kunyanya kukurukura uye usataure zvakawanda kana kutaura mashoko asinei nezvamuri kudzidza.
4. Chii chinotibatsira kusarudza kana tichifanira kukurukura mashoko okuwedzera patinenge tichidzidza?
4 Mashoko Okuwedzera: Kune nyaya 14 dzinotsigira zvimwe zvitsauko zviri mubhuku racho. Zviri kwamuri kukurukura nyaya idzi pamunenge muchidzidza. Padzimwe nyaya, ungasarudza kukurudzira mudzidzi wako kuti averenge mashoko okuwedzera ari oga, zvikuru kana achinzwisisa uye achibvuma mashoko ari munyaya huru. Somuenzaniso, kana mudzidzi achitotenda kuti Jesu ndiye Mesiya, zvingasava hazvo nebasa kuti ukurukure naye musoro unoti, “Jesu Kristu—Mesiya Akapikirwa” pamunenge muchikurukura chitsauko 4 chinoti, “Jesu Kristu Ndiani?” Pane dzimwe nguva, zvingabatsira kuwana nguva yokukurukura mashoko okuwedzera kana kuti chikamu chawo pamunenge muchidzidza.
5. Kana tikasarudza kukurukura mashoko okuwedzera, tingazviita sei?
5 Kana ukasarudza kukurukura mashoko okuwedzera, ungafanogadzirira mibvunzo yokuzokurukura nomudzidzi sezvamaizoita munyaya huru. Kana kuti zvichienderana nezvinodiwa nomudzidzi, unogona kusarudza maminitsi mashomanana pamunenge muchidzidza okumbodzokorora mashoko acho naye. Zvichaita kuti uone kana ari kunzwisisa mashoko aakaverenga ari oga.
6. Bhokisi rokudzokorora riri panoperera chidzidzo chimwe nechimwe ringashandiswa sei?
6 Bhokisi Rokudzokorora: Bhokisi riri panoperera chitsauko chimwe nechimwe rine pfungwa dzinowanzopindura mibvunzo yokutanga. Munogona kushandisa pfungwa idzi kuti mudzokorore pfungwa huru dzechitsauko chacho. Vamwe vaparidzi vakaona zvichibatsira kuverenga pfungwa imwe neimwe uye zvichida magwaro aripo nomudzidzi wacho. Vanobva vakumbira kuti mudzidzi atsanangure muchidimbu kuti magwaro anotsigira sei pfungwa iyoyo. Izvi zvinoratidza mudzidzisi kana mudzidzi ari kunyatsonzwisisa pfungwa huru dzechidzidzo uye kuti dziri kutsigirwa sei neBhaibheri uye kana achibvumirana nadzo. Zvinodzidzisawo mudzidzi kuti ashandise Bhaibheri pakutsanangurira vamwe chokwadi.
7. Tingashandisa sei Bhaibheri Rinombodzidzisei? kuti tiite basa redu ratakapiwa?
7 Nzira inonyatsobudirira zvikuru pabasa redu ratakapiwa rokudzidzisa vanhu uye rokuita kuti vave vadzidzi ndeyokutevedzera madzidzisiro aJesu. (Mat. 28:19, 20) Bhaibheri Rinombodzidzisei? rinogona kutibatsira kuita izvozvo. Nyatsorishandisa kuti udzidzise vamwe chokwadi nenzira yakajeka, iri nyore uye inonakidza.