Dzidzisa Vanyoro Kuti Vafambe Munzira yaMwari
1. Kuita vadzidzi kunosanganisira chii?
1 Vadzidzi vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaitaurwa nezvavo sevaiva “veNzira Iyi.” (Mab. 9:2) ChiKristu chechokwadi chinosanganisira mararamiro ose omunhu. (Zvir. 3:5, 6) Naizvozvo, patinodzidzisa vanhu Bhaibheri, tinofanira kuita zvinopfuura kungodzidzisa zivo yakarurama yedzidziso dzeBhaibheri. Tinofanirawo kubatsira vadzidzi kuti vafambe munzira yaJehovha.—Pis. 25:8, 9.
2. Chii chingaita kuti mudzidzi weBhaibheri ade kuchengeta mirayiro yaMwari?
2 Kuda Jehovha naJesu: Zvechokwadi zvakaoma kuti vanhu vasina kukwana vaite kuti mafungiro, maitiro, matauriro, uye unhu hwavo zvipindirane nezvinodiwa naMwari! (VaR. 7:21-23; VaEf. 4:22-24) Zvisinei, kuda Mwari noMwanakomana wake kunoita kuti vanyoro vabvume kuita zvinhu izvi zvakaoma. (Joh. 14:15; 1 Joh. 5:3) Tingabatsira sei vatinodzidza navo Bhaibheri kuti vave norudo rwakadai?
3. Tingabatsira sei vatinodzidza navo kuti vade Jehovha naJesu?
3 Batsira waunodzidza naye Bhaibheri kuti asvike pakuziva kuti Jehovha munhu worudzii. Imwe hama yakatsanangura kuti, “Vanhu havagoni kuda munhu wavasingazivi, saka kubvira patinotanga kudzidza chaipo, ndinovadzidzisa zita raMwari kubva muBhaibheri, uye ndinotsvaka mikana yokuti ndivaudze nezvounhu hwaJehovha.” Kuvaudza nezvomuenzaniso waJesu ndiyo nzira yakanakisisa yokuita izvi. (Joh. 1:14; 14:9) Uyezve, shandisa bhokisi rokudzokorora riri panoperera chitsauko chimwe nechimwe chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kuti ubatsire waunodzidza naye kuti aone unhu hwakaisvonaka hwaMwari noMwanakomana wake.
4. (a) Nei vadzidzi vakawanda vachiona zvakaoma kuparidza? (b) Tingabatsira sei vatinodzidza navo kuti vatange kuita ushumiri hwechiKristu?
4 Dzidzisa Nomuenzaniso: Sevadzidzisi nevatungamiriri, tinoratidza vamwe zvazvinoreva kufamba munzira yaMwari nezvatinoita. (1 VaK. 11:1) Somuenzaniso, vanhu vakawanda vanodzidza Bhaibheri havana kujaira kuenda kune munhu wavasingazivi vomuudza zvavanotenda. Saka, zvingada kushivirira uye unyanzvi kuti tivabatsire kuti vave norudo, kutenda, uye ushingi zvinodiwa kuti vaitewo basa rokuparidza nerokuita vadzidzi. (2 VaK. 4:13; 1 VaT. 2:2) Chido chedu chokubatsira vatinodzidza navo chichaita kuti tinge tiinavo pavanotanga kuita ushumiri hwechiKristu.
5. Muenzaniso wakanaka unobatsira sei vatinodzidza navo kuti vaone zvinofanira kuitwa kana munhu achitevedzera mirayiro yaMwari?
5 Muenzaniso wako unogona kudzidzisa vadzidzi mune zvimwe zvinhu zvinokosha zvoupenyu hwomuKristu. Paunoshanyira vanorwara kana kuti kukwazisa vamwe noushamwari pamisangano yeungano, vanoona rudo runenge ruchiratidzwa. (Joh. 15:12) Paunoitawo basa rokuchenesa Imba yoUmambo kana paunoita zvinhu zvinobatsira vamwe, unenge uchivadzidzisa zvavanofanira kuitawo. (Joh. 13:12-15) Pavanoona kuti unorarama upenyu huri nyore, vanoona kuti ‘kuramba vachitanga kutsvaka umambo’ kunorevei.—Mat. 6:33.
6. Tinowanei patinobatsira vamwe kuti vashumire Jehovha?
6 Basa rokudzidzisa vamwe zviri muShoko raMwari uye rokuita vadzidzi rinoda kushanda nesimba. Asi zvinofadza zvikuru kuona vanyoro vachi“ramba vachifamba muchokwadi”!—3 Joh. 4.