RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/06 p. 1
  • ‘Rambai Muchinditevera’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Rambai Muchinditevera’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichifanira Kuzvipira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Hatichazviraramiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Tevedzera Jesu Nekushumira Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Tevera Jesu Nguva Dzose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 5/06 p. 1

‘Rambai Muchinditevera’

1 Vanhu vazhinji vanovakira upenyu hwavo pakuzvifadza pachavo, asi kakawanda havafari. Kusiyana neizvi, Jesu akakurudzira kupa kusina udyire kunounza mufaro chaiwo. (Mab. 20:35) Akati: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, . . . arambe achinditevera.” (Mako 8:34) Izvi hazvingorevi kuramba zvimwe zvinhu zvinofadza nguva nenguva. Zvinoreva kurarama zuva nezuva kuti tifadze Jehovha, kwete kuzvifadza isu pachedu.—VaR. 14:8; 15:3.

2 Chimbofunga nezvomuenzaniso womuapostora Pauro. Pamusana po“kukosha kukuru kwokuziva Kristu Jesu,” Pauro akarega kutsvaka zvinhu zvaaida ndokubva azvipira kufambisira mberi zvinhu zvine chokuita noUmambo. (VaF. 3:7, 8) Akati: “Ini ndichafara kwazvo kushandisa zvinhu zvose uye kushandiswa zvizere,” kuti ndishumire vamwe. (2 VaK. 12:15) Zvinganaka kana mumwe nomumwe wedu akazvibvunza kuti: ‘Ndiri kushandisa sei nguva yangu, simba, mano, uye pfuma yangu? Ndinoda zvinhu zvinondifadza chete here, kana kuti ndiri kutsvaka kufadza Jehovha?’

3 Mikana Yokupa: Gore roga roga, vanhu vaMwari vanopedza maawa anopfuura bhiriyoni vachiita basa rinoponesa vanhu rokuparidza nezvoUmambo. Muungano, vaduku nevakura vanoita mabasa akasiyana-siyana anobatsira vamwe. Kunewo basa rakawanda rinoitwa maererano nemagungano edunhu neoruwa uyewo kuvakwa nokugadziridzwa kwezvivako zvinoshandiswa kuti kunamata kwakachena kufambire mberi. Uye chimbofunga nezvokubatsira kworudo kunoitwa nehama dzinoshanda muMatare Okukurukura Nezvipatara uye Mapoka Okushanyira Varwere. Mabasa ose aya okuzvipira chikomborero kuukama hwedu hwechiKristu!—Pis. 110:3.

4 Mikana yokuti tiyamure vamwe munzira dzakasiyana-siyana ingavapo kana pakaitika njodzi kana kuti chimwe chinhu chinoda kukurumidzirwa chikaitika. Asi kazhinji tinogona kungokurumidza kuona kuti mumwe muKristu anoda kubatsirwa kana kuti kukurudzirwa. (Zvir. 17:17) Patinokurumidza kuratidza kuti tinoda kushumira vamwe uye kuti tinoda kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvifambire mberi, tinenge tichitotevedzera muenzaniso waJesu. (VaF. 2:5-8) Ngatiedzei kuramba tichiita izvozvo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe