RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/06 p. 1
  • Ushumiri Hwedu—Basa Retsitsi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ushumiri Hwedu—Basa Retsitsi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • “Tsitsi Huru dzaMwari Wedu”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Tevedzera Tsitsi dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Jehovha Anotonga Netsitsi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Ivai “Netsiye Nyoro”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 6/06 p. 1

Ushumiri Hwedu—Basa Retsitsi

1 Jesu akaona kuti vanhu vazhinjizhinji vakateerera shoko rake “vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mat. 9:36) Nounyoro uye norudo, akavadzidzisa nzira dzaJehovha, akavanyaradza, uye netsitsi akavashumira achivapa zvinodiwa zvavo zvokunamata. Sezvatinofungisisa nzira dzake, tinodzidza kufunga uye kunzwa sezvakaita Jesu, uye patinoita ushumiri hwedu zvinobva zvangova pachena kuti tine tsitsi.

2 Chimbofunga kwekanguva nezvezvakaitwa naJesu apo vanhu vaida kubatsirwa chaizvo vakaenda kwaari. (Ruka 5:12, 13; 8:43-48) Aiva nehanya nevaya vainyatsoda kubatsirwa. (Mako 7:31-35) Aiziva manzwiro evamwe uye akava nehanya navo. Akatarisa zvinopfuura chitarisiko chokunze chete. (Ruka 7:36-40) Chokwadi, Jesu akanyatsoratidza zvakakwana tsitsi huru dzaMwari wedu.

3 “Akasiririswa”: Jesu haana kuita ushumiri hwake pamusana pokungoti aifanira kuita kudaro. “Akasiririswa” nevanhu. (Mako 6:34) Saizvozvowo nhasi, hatisi kungoendesa shoko asi tiri kuedza kuponesa upenyu hunokosha. Edza kunzwisisa kuti nei vanhu vachipindura sezvavanoita. Nei vari kushushikana kana kuti kuvhiringidzika? Vakangosiyiwa vakadaro vachingopofumadzwa nevafudzi vechitendero chenhema here? Kuva nehanya zvechokwadi nevamwe kungaita kuti vateerere mashoko akanaka.—2 VaK. 6:4, 6.

4 Tsitsi dzinobaya mwoyo. Somuenzaniso: Mumwe mukadzi akafirwa nomwanasikana wake aiva nemwedzi mitatu. Paakashanyirwa neZvapupu zviviri, akazvipinza mumba aine chinangwa chokupikisa zvazvaizotaura pamusoro pokuti nei Mwari achibvumira kutambura. Zvisinei, mukadzi wacho akazoti: “Zvakanditeerera netsitsi huru, uye pazvakanga zvava kuenda, ndakanzwa zviri nani zvokuti ndakabvuma kuzoshanyirwazve.” Unoedza here kuratidza tsitsi kumunhu wose muushumiri?

5 Kuwedzera kuva netsitsi kuchatibatsira kuti tinyaradze vamwe zvechokwadi. Patinoita kudaro, tinokudza “Baba vengoni huru kwazvo” Jehovha.—2 VaK. 1:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe