Wakagadzirira Njodzi Dzinongoitika Dzoga Here?
1. Nei kuri kuchenjera kuti tifanogadzirira njodzi?
1 Gore negore, mamiriyoni evanhu munyika yose, kusanganisira hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda vanowirwa nenjodzi dzakadai sokudengenyeka kwenyika, tsunami, madzvotsvotsvo emvura, madutu, chamupupuri chinoparadza, nemafashamo. Sezvo njodzi dzinongoitika dzoga dzichingoerekana dzaitika uye dzichigona kuwira chero mumwe wedu, kungava kuchenjera kugara takagadzirira.—Zvir. 21:5.
2. Nei tichifanira kuita kuti vakuru vagare vachiziva kero yedu nenhamba dzenhare dzedu zvakarurama?
2 Kufanogadzirira: Dzimwe nguva zviremera zvinokwanisa kunyevera vanhu nezvenjodzi inenge ichiuya. Zvinokosha kuteerera nyevero idzodzo. (Zvir. 22:3) Mumamiriro ezvinhu akadaro vakuru vachaedza kukurukura nevose vari muungano kuti vavabatsire kufanogadzirira zvingave zvichidiwa. Pashure penjodzi, vakuru vachaedza kukurukura nevose vanopinda neungano yavo kuti vaone kana vakachengeteka uye kuti vazive rubatsiro rwavangada. Nguva inokosha inogona kurasika kana vakuru vasina kero kana kuti nhamba dzenhare dzakarurama. Saka zvakanaka kuti vaparidzi vazivise munyori uye mutariri wavo wechidzidzo chebhuku kero yavo nenhamba dzenhare dzavo.
3. Tingaita sei kuti tishandire pamwe nevakuru kana tichigara munharaunda isingatani kuwirwa nenjodzi?
3 Kana ungano iri munharaunda isingatani kuwirwa nenjodzi, vakuru vangakumbira vaparidzi zita nenhamba dzenhare dzehama yavo kana kuti shamwari isingagari munzvimbo yacho ingazokurukurwa nayo kana paitika njodzi. Izvi zvichabatsira vakuru kuti vazive kune vaya vanenge vabva munzvimbo yacho. Vakuru vangadawo kuva nourongwa hwezvingaita ungano kana pakava nenjodzi zvinosanganisira pepa rakanyorwa zvinhu zvinodiwa pakuyamura zvinofanira kuchengetwa, urongwa hwokubuda munzvimbo yacho uye hwokubatsira vaya vasingakwanisi kuzvibatsira. Zvinokosha kuti tishandire pamwe nourongwa uhwu hworudo.—VaH. 13:17.
4. Tinofanira kuitei kana njodzi ikaitika kwatinogara?
4 Pashure Penjodzi: Unofanira kuitei kana njodzi ikaitika kwaunogara? Iva nechokwadi chokuti mhuri yako yawana zvainoda zvokunyama. Nepaunogona napo, batsira vamwe pazvinenge zvichidiwa vanenge vawirwawo nenjodzi. Edza kufonera mutariri wenyu wechidzidzo chebhuku kana kuti mumwe mukuru nokukurumidza sezvaungagona. Izvi zvinofanira kuitwa kunyange kana wakachengeteka uye usingadi kubatsirwa. Kana uchida kubatsirwa, iva nechokwadi chokuti hama dzako dziri kuedza zvose zvadzinokwanisa kuti dzikubatsire. (1 VaK. 13:4, 7) Yeuka kuti Jehovha ari kuziva mamiriro ako ezvinhu; tarisira kwaari kuti akutsigire. (Pis. 37:39; 62:8) Tsvaka mikana yokutsigira uye yokunyaradza vamwe mune zvokunamata. (2 VaK. 1:3, 4) Tangazve mabasa ako echiKristu nokukurumidza sezvingabvira.—Mat. 6:33.
5. Njodzi dzingangoitika dzinofanira kuita kuti isu sevaKristu tiitei?
5 Kunyange zvazvo njodzi dzingaita kuti nyika ishushikane, tinogona kutarisira nguva yemberi nechivimbo. Nokukurumidza njodzi dzose dzichange dzava zvinhu zvomunguva yakapfuura. (Zvak. 21:4) Asi panguva ino, tinogona kuita zvose zvatingagona kuti tigadzirire nguva yenhamo nematambudziko sezvatinoramba tichishingaira kuzivisa vamwe mashoko akanaka.