RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb20 May p. 3
  • Wakagadzirira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wakagadzirira Here?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Tava Kumapeto ‘Kwemazuva Ekupedzisira’ Saka Gara Wakagadzirira
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Wakagadzirira Njodzi Dzinongoitika Dzoga Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Wagadzirira Here Zvekuita Kana Zvinhu Zvikangoerekana Zvisisina Kugadzikana Munyika?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Batsira Vamwe Kuti Vatsungirire Panguva Dzakaoma
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
mwb20 May p. 3
Mhuri iri kurongedza zvinhu zvekuzoshandisa mumabhegi.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Wakagadzirira Here?

Kana munzvimbo yaunogara mukaitika njodzi inongoitika yega, wakagadzirira here? Kudengenyeka kwenyika, mahurricane, kutsva kwemasango uye mafashamo zvinogona kuitika vanhu vasingatarisiri zvoparadza zvinhu nevanhu. Uyewo kurwiswa nemagandanga, kurwisana kwevanhu uye zvirwere zvinogona kungoitika vanhu vasingatarisiri. (Mup 9:11) Hatifaniri kufunga kuti zvinhu zvakadaro hazvifi zvakaitika kwatinogara.

Mumwe nemumwe wedu anofanira kutora matanho ekugadzirira njodzi. (Zvi 22:3) Kunyange zvazvo sangano raJehovha riine zvarinobatsira nazvo panoitika njodzi, tinofanira kugadzirira njodzi isati yaitika.​—VaG 6:5.

ONA VHIDHIYO INONZI WAKAGADZIRIRA HERE NJODZI DZINONGOITIKA DZEGA? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Hama iri kuverenga Bhaibheri kuti igadzirire kana pakazoitika njodzi.

    Kuva neushamwari hwakasimba naJehovha kunotibatsira sei panoitika njodzi?

  • Bhegi rezvinhu zvekuzoshandisa, mashoko anozoita kuti vanhu vakwanise kutaura newe, uye foni.

    Nei zvakakosha kuti . . .

    • • tirambe tichitaura nevakuru njodzi isati yaitika, painoitika uye pashure pekunge yaitika?

    • • ugare uine bhegi rine zvinhu zvekuzoshandisa kana pakaitika njodzi?​—g17.5 6

    • • mukurukure nezvenjodzi dzinogona kuitika uye zvamungaita kana dzikaitika?

  • Mufananidzo: Nzira dzekubatsira nadzo panoitika njodzi. 1. Hama iri kunyengetera. 2. Vanhu vari kubatsira paitika njodzi. 3. Hama iri kuisa mari mubhokisi paImba yeUmambo.

    Inzira dzipi nhatu dzatingabatsira nadzo vanenge vawirwa nenjodzi?

UNOGONA KUBATSIRA HERE?

Pari kudiwa vanhu vakawanda vanobatsira panoitika njodzi. Kana uchida kubatsira kurumidza kuzivisa vakuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe