KURARAMA KWECHIKRISTU
Wakagadzirira Here?
Kana munzvimbo yaunogara mukaitika njodzi inongoitika yega, wakagadzirira here? Kudengenyeka kwenyika, mahurricane, kutsva kwemasango uye mafashamo zvinogona kuitika vanhu vasingatarisiri zvoparadza zvinhu nevanhu. Uyewo kurwiswa nemagandanga, kurwisana kwevanhu uye zvirwere zvinogona kungoitika vanhu vasingatarisiri. (Mup 9:11) Hatifaniri kufunga kuti zvinhu zvakadaro hazvifi zvakaitika kwatinogara.
Mumwe nemumwe wedu anofanira kutora matanho ekugadzirira njodzi. (Zvi 22:3) Kunyange zvazvo sangano raJehovha riine zvarinobatsira nazvo panoitika njodzi, tinofanira kugadzirira njodzi isati yaitika.—VaG 6:5.
ONA VHIDHIYO INONZI WAKAGADZIRIRA HERE NJODZI DZINONGOITIKA DZEGA? WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Kuva neushamwari hwakasimba naJehovha kunotibatsira sei panoitika njodzi?
Nei zvakakosha kuti . . .
• tirambe tichitaura nevakuru njodzi isati yaitika, painoitika uye pashure pekunge yaitika?
• ugare uine bhegi rine zvinhu zvekuzoshandisa kana pakaitika njodzi?—g17.5 6
• mukurukure nezvenjodzi dzinogona kuitika uye zvamungaita kana dzikaitika?
Inzira dzipi nhatu dzatingabatsira nadzo vanenge vawirwa nenjodzi?