Kuronzeswa Pfuma
1 Muapostora Pauro aikoshesa basa rake raakapiwa naMwari rokuparidza uye akariti i“pfuma.” (2 VaK. 4:7) Akatsungirira zvinetso uye kutambudzwa paaiita basa racho. Akaparidzira asinganeti kuna ani zvake waaisangana naye. Akafamba nzendo dzakawanda dzainetsa uye dzaiva nengozi panyika nomugungwa. Tingatevedzera sei Pauro toratidza kuti tinokoshesa ushumiri hwedu? (VaR. 11:13) Chii chinoita kuti ushumiri hwedu huve pfuma isina chinoenzana nayo?
2 Pfuma Inopfuura Imwe: Upfumi hwepanyika hunowanzounza marwadzo uye hunongobatsira kwenguva shoma. Asi ushumiri hwedu hunounza zvikomborero zvisingaperi kwatiri nevamwe. (1 Tim. 4:16) Hunobatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti vasvike pakuziva Jehovha, vogadzirisa upenyu hwavo, vowana tariro chaiyo youpenyu husingaperi. (VaR. 10:13-15) Kana tikakoshesa zvikuru ushumiri hwedu, tinova nezvinangwa zvinogutsa muupenyu, kugutsikana kusingaperi uye tariro inosimbisa yenguva yemberi.—1 VaK. 15:58.
3 Ratidza Kuti Unokoshesa Pfuma Yako: Kukoshesa kwatinoita chimwe chinhu kunowanzoratidzwa nezvatingada kurega kuti tichiite. Iropafadzo chaiyo kushandisa nguva yedu uye simba redu tichirumbidza Jehovha! (VaEf. 5:16, 17) Nzira yatinoshandisa nayo nguva yedu inofanira kuratidza kuti tinonyanya kukoshesa zvinhu zvine chokuita nokunamata pane kutsvaka pfuma. Sezvo tiine chimwe chinhu chinokosha chatinoda kupa vamwe, tingada kuparidzira nechido uye kugara takagadzirira kuti tishandise chero mukana watinowana kuzivisa mashoko akanaka.
4 Pfuma inokosha haivanzwi asi inoiswa pachena kuti vamwe vaione. Kana tichiona ushumiri hwedu sepfuma, huchava chinhu chinokosha muupenyu hwedu. (Mat. 5:14-16) Nemwoyo izere nokuonga, ngatigarei tichitevedzera muapostora Pauro toshandisa mukana wose kuratidza kuti zvechokwadi tinokoshesa ushumiri hwedu, tichihuona sepfuma.