Koshesa Ropafadzo Yako Yokuparidza
1. Vanhu vakawanda vari munyika vanoona sei basa redu rokuparidza?
1 Vanhu vakawanda vari munyika yaSatani vanoona basa redu rokuparidza ‘soupenzi.’ (1 VaK. 1:18-21) Kana tikasangwarira, mafungiro aya asina kururama anogona kutiodza mwoyo zvopedzisira zvaita kuti tirege kushingaira. (Zvir. 24:10; Isa. 5:20) Zvikonzero zvipi zvinoita kuti tikoshese ropafadzo yedu yokuva Zvapupu zvaJehovha?—Isa. 43:10.
2. Ushumiri hunganzi ‘ibasa dzvene’ pakudini?
2 “Basa Dzvene”: Muapostora Pauro akataura nezveushumiri achihuti ‘ibasa dzvene.’ (VaR. 15:15, 16) Ushumiri hunganzi ‘ibasa dzvene’ pakudini? Patinoita basa iri tinobva tava “vashandi pamwe chete” naJehovha “Mutsvene,” uye zvinoita kuti zita rake ritsveneswe. (1 VaK. 3:9; 1 Pet. 1:15) Jehovha anoona basa redu rokuparidza ‘sechibayiro chokurumbidza,’ saka ushumiri chinhu chinokosha pakunamata kwedu.—VaH. 13:15.
3. Chii chinoita kuti basa rokuparidza mashoko akanaka ive ropafadzo chaiyo?
3 Basa rokuparidza mashoko akanaka iropafadzo inowanikwa nevanhu vashoma. Dai ngirozi dzaizopiwa basa iri dzaizoriita nomufaro uye zviri pachena kuti dzaizoriita nemazvo. (1 Pet. 1:12) Asi Jehovha akasarudza isu vanhu vane zvivi, “midziyo yevhu,” kuti tive neropafadzo iyi inoshamisa!—2 VaK. 4:7.
4. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa ushumiri?
4 Basa Rinonyanya Kukosha: Pamusana pokuti tinokoshesa ropafadzo yedu, tinoona ushumiri sechimwe ‘chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe’ muupenyu hwedu. (VaF. 1:10) Izvi zvinoita kuti vhiki yoga yoga tironge nguva yokuti tihuite. Kana muimbi akanzi aimbe nechimwe chikwata chine mbiri, anonyatsogadzirira zvose zvaachaita uye achashanda kuti akwenenzvere unyanzvi hwake. Nesuwo tinofanira kugadzirira tisati taenda muushumiri kuitira kuti tigone ‘kubata shoko rechokwadi zvakarurama,’ uye tivandudze ‘unyanzvi hwedu hwokudzidzisa.’—2 Tim. 2:15; 4:2.
5. Ndivanaani vanofarira ushumiri hwedu?
5 Usaodzwa mwoyo nemaonero evanhu vasingafariri. Yeuka kuti kuchine vakawanda vari mundima yedu vanofarira kuvashanyira kwatinoita. Zvisinei, hatitsvaki kufarirwa nevanhu. Chinonyanya kukosha ndechokuti Jehovha anonzwa sei, uye anokoshesa chaizvo zvatinoita nemwoyo wose.—Isa. 52:7.