Uchaitei Noupenyu Hwako?
1 Dzimwe nguva vana vanobvunzwa kuti, “Kana wakura unoda kuzoitei?” Pawaiva kakomana, ungadai wakati waida kufudza mombe here? kudzimura moto? kuva mutariri wedunhu? Kana kuti sekasikana, ungadai wakati waida kuzova mudzidzisi here? mukoti? mumishinari? Zvino zvawakura, unofanira kuzvibvunza mumwe mubvunzo, ‘Ndichaitei noupenyu hwangu?’ Wagadzirira kusarudza here?
2 Kuti rikubatsire kusarudza zvakanakisisa, sangano raJehovha rakabudisa DVD inonzi Young People Ask—What Will I Do With My Life? Tapota ione, wofungisisa zvose zviri mairi, kusanganisira mutambo, kubvunzurudza uye mamwe mashoko okuwedzera. Zviri paDVD iyi zvinoratidzwa mubhokisi rakanzi “Main Menu.”
3 Mutambo: Paunenge uchiona mutambo wacho, funga mibvunzo iyi: (1) Timoti, ari kutaurwa nezvake muMagwaro echiKristu echiGiriki, akafanana pakudii naAndre? (Mab. 16:1; 1 Tim. 4:8; 2 Tim. 1:5) (2) Andre aimanikidzwa sei kuti abudirire pakumhanya, uye naani? (3) Ndivanaani vakaratidza kuva shamwari dzakanaka kuna Timoti uye kuna Andre, uye munzira dzipi? (2 Tim. 1:1-4; 3:14, 15) (4) Nyevero iri pana Mateu 6:24 naVaFiripi 3:8 yakabatsira sei Andre, uye inokubatsirawo sei?
4 Zvikamu Zvakasarudzwa: Pashure pokuona mutambo wacho wose, dzokorora zvikamu zvinotevera, wopindura mibvunzo iyi. “Pauro naTimoti”: Ndeipi yaiva kurudziro yaPauro yokupedzisira kuna Timoti? (2 Tim. 4:5) “Kupa Jehovha Zvakanakisisa Zvako”: Zvinangwa zvorudzii zvokunamata zvauinazvo? “Kutsigira Jehovha”: Mufaro wechokwadi unobva kupi? “Zano Rambuya”: Chii chakaipira kuda kuva shasha munyika yaSatani? (Mat. 4:9) “Hauzozvidembi”: Chii chichakubatsira kuti ugutsikane muupenyu?—Zvir. 10:22.
5 Kubvunzurudza: Sezvaunoona chikamu chimwe nechimwe chinotevera, chii chauri kuona chaunogona kuita kuti upe Jehovha zvakanakisisa zvako? (1) “Wakatsunga Kutsvaka Zvinhu Zvisina Zvazvinobatsira Kana Kuti Kuzvipira Kuna Mwari Here?” (1 Joh. 2:17); (2) “Kudzidza Kunakidzwa Noushumiri Hwako” (Pis. 27:14); uye (3) “Musuo Wakazaruka Wokuita Basa.”—Mat. 6:33.
6 Kufunga Zvakaitika: Ungapindura here? (1) Hama iyi nehanzvadzi iyi vaida kuita mabasa api, uye nei? (2) Vakanga vabudirira zvakadini? (3) Chii chakazoita kuti mumwe nomumwe achinje upenyu hwake? (2 VaK. 5:15) (4) Mabasa api echiKristu akatsiva avaimbova nawo, uye nei vakaona kuti vaisagona kuita zvose? (5) Vanozvidemba here pamusana pokuchinja zvinangwa zvavo muupenyu? (6) Chii chavakataura chakakuita kuti unyatsofungisisa zvaunofanira kuita noupenyu hwako?
7 Kubvunzurudza: Pakubvunzurudza uku, chii chawadzidza chaungaita kuti unyatsoshumira Jehovha zvizere? (1) “Kukosha Kwokudzidza Uri Woga,” (2) “Dzimwe Nzira Dzokupupura,” (3) “Basa repaBheteri,” (4) “Kudzidziswa Kuva Mamishinari kuGiriyedhi,” uye (5) “Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri.” Tarira muIndekisi kuti uone mashoko akabudiswa panyaya dzinoenderana neidzi woverenga zvimwe zvaunonyanya kufarira.
8 Saka wasarudza here zvauchaita noupenyu hwako? Pauro akakurudzira Timoti achiti: “Fungisisa zvinhu izvi; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.” (1 Tim. 4:15) Tinokukurudzira kuti uitewo izvozvo uchishandisa zvawaona nokunzwa paDVD iyi. Kumbira kuti Jehovha akubatsire kusarudza nokuchenjera zvichaita kuti ufare zvechokwadi uye ugutsikane noupenyu iye zvino uyewo uve nenguva yemberi inogutsa neinofadza.
[Bhokisi riri papeji 6]
MAIN MENU
Play Drama
Scenes (11 selections)
Interviews
Play All
ections (3 selections)
Looking Back
Supplementary Material
Supplementary Interviews
Index to Published Information on Related Subjects
Subtitles
Hearing Impaired
None
To navigate around the menus, use the Next , Back, and Main Menu buttons.