“Anofara Munhu Anoramba Achitsungirira Muedzo”
1 VaKristu vose vanofanira kutarisana nemiedzo. (2 Tim. 3:12) Miedzo inogona kuuya huri urwere, kushaya mari, kutambudzwa kana kuti zvimwewo. Miedzo inokonzerwa naSatani inoita kuti tisafambire mberi, tisakoshese ushumiri hwedu hwechiKristu, uye kuti tirege kushumira Mwari. (Job. 1:9-11) Kutsungirira miedzo kunogona sei kuita kuti tifare?—2 Pet. 2:9.
2 Gadzirira Miedzo: Jehovha akatipa Shoko rake rechokwadi kusanganisira nhoroondo youpenyu hwaJesu nedzidziso dzake. Kana tikateerera mashoko aJesu nokuita zvaanotaura tinovaka nheyo yakasimba togadzirira miedzo. (Ruka 6:47-49) Tinowanawo simba kubva kuhama dzedu dzechiKristu, misangano yeungano uye mumabhuku eBhaibheri anobudiswa neboka romuranda akatendeka, akangwara. Tinogara tichishandisawo chipo chatakapiwa naMwari chokunyengetera.—Mat. 6:13.
3 Jehovha akatipawo tariro. Patinova nokutenda kwakasimba muzvipikirwa zvaJehovha, tariro yedu inova ‘sechinhu chinotsigisa mweya, iri yechokwadi uye yakasimba.’ (VaH. 6:19) Munguva dzeBhaibheri, zvikepe zvakanga zvisingabvi pachiteshi zvisina chinotsigisa kunyange mamiriro okunze akanaka. Kana mvura ine mabhanan’ana ikasvika kamwe kamwe kudzikisa chinotsigisa kwaibatsira chikepe kuti chisakandirwa kunzvimbo dzine matombo. Saizvozvowo kuvakira kutenda kwedu muzvipikirwa zvaMwari iye zvino, kuchatitsigisa kana miedzo ikauya. Miedzo inogona kuuya tisingafungiri. Kunyange zvazvo Pauro naBhanabhasi vakambogamuchirwa zvakanaka muRistra pavaiparidzira, zvinhu zvakachinja pakauya vashori vechiJudha.—Mab. 14:8-19.
4 Kutsungirira Kunoita Kuti Tifare: Kuramba takatsunga kuparidzira pasinei nokushorwa kunotipa rugare rwepfungwa. Tinofara kunzi takakodzera kuzvidzirwa Kristu. (Mab. 5:40, 41) Kutsungirira miedzo kunotibatsira kuva nounhu hwakadai sokuzvininipisa, kuteerera uye kushivirira zvikuru. (Dheut. 8:16; VaH. 5:8; Jak. 1:2, 3) Kunotidzidzisa kuvimba naJehovha, kuvimba nezvipikirwa zvake uye kutsvaka kudzivirirwa naye.—Zvir. 18:10.
5 Tinoziva kuti miedzo ndeyenguva pfupi. (2 VaK. 4:17, 18) Miedzo inotipa mikana yokuti tiratidze kudzika kwakaita rudo rwedu kuna Jehovha. Tinogona kupindura kupomera kwaSatani kana tikatsungirira miedzo. Saka hatikandi mapfumo pasi! “Anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo, nokuti paanotenderwa achagamuchira korona youpenyu.”—Jak. 1:12.