Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi July 15
“Rufu rwewatinoda runogona kukonzera kusuruvara zvikuru. Munofunga kuti pane chinoramba chichirarama here pavari? [Rega apindure.] Jesu akapa chipikirwa ichi chinokurudzira. [Verenga Johani 5:28, 29.] Sezvo Jesu akati rumuko ruri ‘kuuya,’ magazini ino inotsanangura kubva muBhaibheri kuti vakafa vari kupi iye zvino.”
Awake! July
“Vanhu vakawanda vanorarama upenyu hwavo munzira yavanofunga kuti yakanaka uye vanonzwa sokuti zvinokosha kuti uve munhu akanaka. Ndiwo maonero enyu here? [Rega apindure.] Onai ngozi iripo kana maonero edu akasiyana neaMwari. [Verenga Zvirevo 14:12.] Nyaya iyi inokurukura zvazvinoreva kuva munhu akanaka mukuona kwaMwari.” Ratidza nyaya inotangira papeji 20.
Nharireyomurindi Aug. 1
“Ndingada kunzwa zvamunofunga pane chimwe chinhu chakataurwa naJesu. [Verenga Mateu 5:3.] Munofunga kuti kunamata kunoita kuti tifare here? [Rega apindure.] Magazini ino inoratidza zvinotaura Bhaibheri nezvokunamata kwechokwadi uye kuti tingakuwana sei.”
Awake! Aug.
“Munofunga kuti vabereki vangawanepi mazano achanyatsovabatsira? [Rega apindure.] Cherechedzai chipikirwa ichi chiri muBhaibheri. [Verenga 2 Timoti 3:16.] Magazini ino inoratidza kuti Bhaibheri rinobatsira vabereki kurera vana vanofara.”