RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/07 p. 1
  • Ipa Varombo Tariro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ipa Varombo Tariro
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Nokukurumidza, Hapana Achava Murombo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Tevedzera Muenzaniso waJesu Uratidze Kuti Une Hanya Nevarombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kuguma Kweurombo Kuri Kuswedera Pedyo
    Mukai!—1998
  • Varombo Vachafanira Kumirira Kwenguva Yakareba Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 10/07 p. 1

Ipa Varombo Tariro

1 Jesu ainyatsofarira varombo. Pane nguva dzaakabatsira vanhu zvinoshamisa uye akarapa vairwara, asi pfungwa dzake dzaiva pakuzivisa varombo “mashoko akanaka.” (Mat. 11:5) Nhasi ushumiri hwechiKristu huri kuramba huchibatsira varombo nevamwewo.—Mat. 24:14; 28:19, 20.

2 Tariro Chaiyo: Vafundisi vechiKristudhomu vanowanzovimbisa varombo kuti vachabudirira kana vakapa chechi nemwoyo wose. Zvisinei, Bhaibheri rinodzidzisa kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchagumisa urombo uye hwogadzirisa zvinetso zvose zvavanhu. (Pis. 9:18; 145:16; Isa. 65:21-23) Kana tikaratidza varombo zvinodzidziswa neBhaibheri, tinovapa tariro uye tinovabatsira kuziva Mwari ndokumunamata.—Mat. 5:3.

3 VaFarisi vomunguva yakararama Jesu vaitarisira varombo pasi, vachivashora vachivati ‘am-ha·’aʹrets, kana kuti “vanhuwo zvavo.” Zvisinei, Jesu aiona “ropa ravo” kana kuti upenyu hwavo se‘hunokosha.’ (Pis. 72:13, 14) Tinogona kutevedzera Jesu ‘tonzwira nyasha’ varombo ivavo nokuvaitira mutsa uye nokuva nehanya navo. (Zvir. 14:31) Hatingambodi kushora varombo vatakavakidzana navo kana kunzwa tisingadi kuvaparidzira. Vakawanda vari kuteerera mashoko oUmambo varombo.

4 Vabatsire Zvino: Kudzidzisa varombo vari mundima yedu mitemo yeBhaibheri kunovabatsira kuderedza urombo hwavo zvino. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoshora kudhakwa, kubhejera, usimbe, kuputa fodya uye zvimwe zvinhu zvinoita kuti munhu ave murombo. (Zvir. 6:10, 11; 23:21; 2 VaK. 7:1; VaEf. 5:5) Magwaro anokurudzira kuva munhu akatendeseka uye anoshanda “nomweya wose” uye vashandi vanotarisirwa kuti vave nounhu uhwu. (VaK. 3:22, 23; VaH. 13:18) Kutaura zvazviri, mune imwe ongororo vashandirwi vakawanda vakati kuva akatendeseka uye akavimbika ndihwo unhu hwavanoda kana munhu achitsvaga basa.

5 Jehovha ane hanya nokutambura kuri kuita varombo. Jesu Kristu achakurumidza kununura “murombo anochemera kubatsirwa.” (Pis. 72:12) Kusvikira avanunura, ticharamba tiine ropafadzo yokunyaradza vamwe kusanganisira varombo netariro yemashoko eBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe