RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/07 p. 4
  • Usarega!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usarega!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Taura Shoko raMwari Noushingi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Tevedzerai Vaprofita—Amosi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 30—Amosi
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Amosi—Aiva Mukohwi Here Kana Kuti Aibaya Maonde?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 11/07 p. 4

Usarega!

1. Inzira ipi yatingaitira nayo vamwe “zvakanaka”?

1 Kana tichishingaira kuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, tinenge tichiitira zvakanaka vaya vari mundima yedu. Bhaibheri rinoti: “Usarega kuitira zvakanaka vaya vanofanira kuitirwa zvakanaka.” (Zvir. 3:27) Hapana chinhu chakanaka sokuudza vanhu kuti Mwari paanenge ava kutonga ichava nguva inofadza. Kunyange ungaudza vanhu nezvetariro yoUmambo zvisina kurongwa kana kuti nokuvapa mabhuku, wadii kuvavarira kuva newaunodzidza naye Bhaibheri kana wanga usati wava naye?

2. Chii chingatitadzisa kutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu?

2 Dzimwe nguva chinonyanya kutitadzisa kuva newatinodzidza naye Bhaibheri manzwiro atinoita nezvenyaya yacho. Vamwe havana wavanodzidza naye nemhaka yokushaya chivimbo kana kuti vakanyanya kubatikana. Mazano anotevera angakubatsira kuti uitewo basa rokudzidzisa Bhaibheri.—Mat. 28:19; Mab. 20:20.

3. Nei tichikwanisa kudzidzisa Bhaibheri?

3 Kushaya Chivimbo: Pamwe kungava kuti hauna kunyanya kudzidza kana kuti pane chinokutadzisa kuvimba nemano ako okudzidzisa Bhaibheri. Vashumiri vechiKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva “vanhuwo zvavo, vasina kudzidza,” asi vaibudirira. Chii chakavabatsira kudzidzisa vamwe chokwadi? “Vaimbova naJesu.” (Mab. 4:13) Vakadzidza kuMudzidzisi Mukuru, Jesu, uye isuwo takachengeterwa dzidziso dzake nemadzidzisiro ake muMagwaro. Kunyange usina kunyanya kudzidza, hapana dzidzo inopfuura yauri kuwana.—Isa. 50:4; 2 VaK. 3:5.

4. Tingadzidzei pana Amosi?

4 Dzimwe nguva Jehovha aishandisa vaprofita kutsiura vatungamiriri nevamwewo vairemekedzwa pavaikanganisa. Vamwe, vakaita saAmosi, vaiva vepasi pasi. Amosi akabvuma kuti: “Ndakanga ndisiri muprofita, uye ndakanga ndisiri mwanakomana womuprofita; asi ndaiva mufudzi nomunhu aibaya maonde emitsamvi.” (Amo. 7:14) Kunyange zvakadaro Amosi haana kurega kusvitsa mashoko aJehovha okutonga kumupristi Amaziya ainamata mhuru. (Amo. 7:16, 17) Tinofanira kugara tichiyeuka kuti tiri kuita basa raMwari uye achaita kuti tirikwanise.—2 Tim. 3:17.

5. Nei tichifanira kuvavarira kuva newatinodzidza naye Bhaibheri kunyange tichigara takabatikana?

5 Kubatikana: Kunyange kana uchigara wakabatikana, pamwe unotova nenguva yaunoti iyi ndeyoushumiri. Kudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri ndechimwe chezvinhu zvinonakidza zvikuru muushumiri. Zvinofadza kuona Shoko raJehovha richichinja upenyu hwomumwe munhu. (VaH. 4:12) Jehovha anofara patinozvipira kubatsira mumwe munhu kuti “asvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Kunyange ngirozi dzinofara panopfidza mumwe munhu ochinja mararamiro ake uye ofambira mberi somushumiri waMwari.—Ruka 15:10.

6. Tine basa ripi rinokudzwa rinoenderana nezvinoda Mwari?

6 Mwari “anoda kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Chokwadi tine basa rinokudzwa nokuti tiri kuita zvinoda Mwari, tichidzidzisa vanhu Bhaibheri tisingaregi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe