Tevedzerai Vaprofita—Amosi
1. Nei muenzaniso waAmosi uchitikurudzira?
1 Wakambonzwa sokuti haukodzeri kuparidza nokuti uri murombo uye hauna kunyanya kudzidza here? Kana zvakadaro, muenzaniso waAmosi unogona kukupa ushingi. Aiita basa rokupfuya makwai uye airarama nemaricho, asi Jehovha akamupa simba rokuzivisa mashoko anokosha. (Amo. 1:1; 7:14, 15) Mazuva ano Jehovha anoshandisawo vanhu vasina kunyanya kudzidza uye varombo. (1 VaK. 1:27-29) Ndezvipi zvimwe zvatingadzidza kumuprofita Amosi muushumiri hwedu?
2. Nei tichikwanisa kuramba takasimba patinopikiswa muushumiri?
2 Ramba Wakasimba Paunopikiswa: Paakanzwa nezvekuprofita kwaAmosi, mupristi ainamata mhuru, Amaziya aibva kuumambo hwokuchamhembe hwemadzinza gumi aIsraeri akataura mashoko akada kufanana neokuti: ‘Enda kumusha kwenyu! Tisiye takadaro! Tine chitendero chedu!’ (Amo. 7:12, 13) Amaziya akamonyanisa mashoko aAmosi paaikumbira Mambo Jerobhoamu kuti arambidze Amosi basa rake. (Amo. 7:7-11) Amosi haana kumbotyisidzirwa naizvozvo. Mazuva ano vamwe vafundisi vanotsvaka kutsigirwa nevezvematongerwo enyika kuti vatambudze vanhu vaJehovha. Asi Jehovha anotivimbisa kuti hapana chombo chakagadzirirwa kutirwisa chichabudirira.—Isa. 54:17.
3. Tinozivisa zvinhu zviviri zvipi?
3 Zivisa Nezvemutongo waJehovha Uye Makomborero Aachaunza: Kunyange zvazvo Amosi akaprofita nezvemutongo waizopiwa umambo hwemadzinza gumi aIsraeri, akapedzisa bhuku reBhaibheri rine zita rake nevimbiso yaJehovha yokununura vanhu vake uye kuvakomborera zvikuru. (Amo. 9:13-15) Isuwo tinotaura nezve“zuva rokutongwa” raMwari riri kuuya, asi ichi chinongova chikamu che“mashoko akanaka oumambo” atinofanira kuzivisa. (2 Pet. 3:7; Mat. 24:14) Kuparadzwa kuchaitwa vakaipa naJehovha paAmagedhoni kuchava danho rinokosha pakuita kuti nyika ino ive paradhiso.—Pis. 37:34.
4. Chii chinoita kuti tive nechokwadi chokuti tinobudirira kuita kuda kwaJehovha?
4 Kuparidza mashoko eUmambo munyika ine vapikisi vakawanda kunoedza kuzvipira kwedu kuti tirarame maererano nokuzvitsaurira kwatakaita kuna Jehovha kuti tiite kuda kwake. (Joh. 15:19) Kunyange zvakadaro, tine chokwadi chokuti Jehovha achatipa zvose zvatinoda kuti tiite kuda kwake sezvaakaita kuna Amosi.—2 VaK. 3:5.