RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/07 p. 1
  • Tinofanira Kuramba Tichishingaira Muushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinofanira Kuramba Tichishingaira Muushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • “Pisai Nomudzimu”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mumwaka weChirangaridzo, Uchatevedzera Kushingaira Kunoita Jehovha naJesu Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Ramba Uchishingaira Muushumiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Uri Kutevera Kristu Zvizere Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 12/07 p. 1

Tinofanira Kuramba Tichishingaira Muushumiri

1 Gore negore kubvira muna 1992, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichipedza maawa anopfuura bhiriyoni zvichiita basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi. Chokwadi tinofara zvikuru kuti tine zvishoma zvatakaitawo mubasa rakakura kudaro!—Mat. 28:19, 20.

2 Zvisinei tinofanira kutenda uye kurumbidza Jehovha uyo anotitsigira muushumiri hwedu ‘munguva dzino dzinonetsa.’ (2 Tim. 3:1) Tinofanira kuitei kana tichizoramba tichishingaira mubasa iri rinokosha?

3 Zvinoita Kuti Tishingaire: Kuda zvikuru Mwari nevanhu pamwe chete nechido chemwoyo wose chokuita zvinoenderana nokuzvitsaurira kwatakaita, kunotikurudzira mubasa roUmambo. (Mat. 22:37-39; 1 Joh. 5:3) Rudo runoita kuti tizvipire kuitira kuti tinyatsoita basa rokuparidza.—Ruka 9:23.

4 Shanda Nesimba Kuti Urambe Uchishingaira: Muvengi wedu Dhiyabhorosi anoita zvose zvaanogona kuderedza kushingaira kwatinoita muushumiri. Kusakendenga kunoita vanhu vari mundima yedu, mhinganidzo dziri munyika, kuoma kwoupenyu kwezuva nezuva uye kunetseka noutano hwedu huri kuderera ndezvimwe zvezvinhu zvaanoshandisa achiedza kutiodza mwoyo.

5 Nokudaro tinofanira kushanda nesimba kuitira kuti tirambe tichishingaira. Zvinokosha kuti tiwedzere ‘rudo rwataiva narwo pakutanga.’ Izvozvo zvinosanganisira kuverenga uye kufungisisa Shoko raMwari nguva dzose uye kushandisa zvose zvatinopiwa pakunamata no“muranda akatendeka, akangwara.”—Zvak. 2:4; Mat. 24:45; Pis. 119:97.

6 Sokujekeswa kwazvinoitwa nouprofita hweBhaibheri, zuva raJehovha rokuparadza vanhu vasingadi Mwari richakurumidza kusvika. (2 Pet. 2:3; 3:10) Tichiziva izvozvo, ngatishandei nesimba kuti tirambe tichishingaira muushumiri, tichinyatsoita basa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi riri kuitwa munyika yose!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe