Nyaradza Vakaora Mwoyo
1 Hazvina kumbobvira zvaitika munhoroondo yevanhu kuti vade kunyaradzwa zvakadai. Tichitungamirirwa naMambo wedu Kristu Jesu, tinofanirawo kuita basa ‘rokusunga maronda evakaora mwoyo.’—Isa. 61:1.
2 Nzira Yokunyaradza Nayo: Kuti tinyaradze vanhu, mharidzo dzedu dzomuushumiri dzinofanira kuva dzakanaka uye dzinokurudzira. Tinofanira kunyanya kutaura chokwadi chomuMagwaro uye tariro inofadza yezvakavimbiswa naMwari zvinonyaradza pane kunyanya kutaura zvakaipa zvinoitwa munyika nedzidziso dzenhema. Izvi hazvirevi kuti hatifaniri kutaura nezveAmagedhoni. Basa redu nderokuzivisa “gore rokufarirwa naJehovha nezuva rokutsiva kwaMwari wedu,” uye ‘rokunyevera vanhu vakaipa kuti vasiye nzira dzavo dzakaipa.’ Zvisinei, kunyevera nezveAmagedhoni uye kutsanangura maparadziro aichaita hazvifaniri kudzikatidza dingindira remashoko akanaka oumambo hwaMwari.—Isa. 61:2; Ezek. 3:18; Mat. 24:14.
3 Paimba Neimba: Zvakajairika chaizvo kuona vanhu vakaora mwoyo pamusana pourwere, kufirwa, kusaruramisirwa, kana kuti zvinetso zvemari. Zvatiri vatevedzeri vaKristu, tino“siririswa” uye tinonzwira tsitsi vaya vatinoona muushumiri. (Ruka 7:13; VaR. 12:15) Kunyange zvazvo tingamuverengera rugwaro rumwe chete kana kuti maviri ane chokuita nedambudziko racho, tinofanira “kukurumidza kunzwa,” izvi zvinoita kuti munhu wacho ataure zvaanofunga. (Jak. 1:19) Tateerera zvaanotaura, tinenge tava kukwanisa kumunyaradza.
4 Panguva yakakodzera patinenge tichikurukura, tingati, “Ndingada kukuverengerai mamwe mashoko anonyaradza anobva muBhaibheri.” Tinofanira kungwarira kuti tiedze kusapikisa pfungwa dzose dzisina kururama dzaangataura. Asi chinangwa chedu ndechokumukurudzira uye kumunyaradza tichishandisa Magwaro kuti tisimbise mwoyo wake. Kuti uite izvi, ona bhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro, pamapeji 138-142 pasi pomusoro unoti “Kurudziro.” Kana kuti ungapa saimba turakiti rinonzi Nyaradzo Nokuda Kwevakapera Mwoyo mokurukura mashoko anonyaradza arimo.
5 Tsvaka Mikana Yokunyaradza Nayo Vamwe: Unoziva here muvakidzani, mumwe munhu waunoshanda naye, waunodzidza naye kuchikoro, kana kuti womumhuri anoda kunyaradzwa? Wadii kushanyira vanhu vakadaro kudzimba dzavo uine chinangwa chokuvanyaradza uchishandisa Magwaro? Uchiziva kuti nei vachida kunyaradzwa, unogona kugadzirira uchifunga nezvemamiriro avo ezvinhu. Mune izvi, vamwe vakanyora tsamba kana kuti vakachaya foni. Kana tichida muvakidzani zvechokwadi tichanzwa tichida kumunzwira ngoni uye kumunyaradza neMagwaro.—Ruka 10:25-37.
6 Chokwadi, tinorayirwa kuti tinyaradze vanochema, tinyevenutse mwoyo yevakasuruvara, uye tiite kuti vave netariro yeramangwana rinofadza. Ndokunyaradzwa kunoda kuitwa vanhu vari munyika. Kutaura nomufaro pamusoro pezvinhu zvakawanda zvakanaka zvakavimbiswa naMwari kunonyaradza uye kunopa tariro vanhu vane mwoyo yakatendeseka. Ngatigarei tichiyeuka kukosha kwokusunga maronda evakaora mwoyo.