Bhokisi Remibvunzo
◼ Mabhuku api maviri anofanira kushandiswa pakudzidza nevanhu vanofarira?
Bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? ndiro ratinonyanya kushandisa pakutanga kudzidza Bhaibheri nevanhu. Kunyange zvazvo tingashandisa zvimwewo, zvakadai seturakiti rakakodzera kutanga kudzidza nomunhu, tinofanira kuzongochinja toshandisa Bhaibheri Rinombodzidzisei? nokukurumidza. Zvinhu zvakanaka zvakavapo zvikuru nokushandisa bhuku iri pakutanga kudzidza nevanhu.
Kana bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? rangopera chete uye mudzidzi wacho achifambira mberi, bhuku rinonzi Namata Mwari ndiro rinofanira kuzodzidzwa. (VaK. 2:7) Peji 2 inotsanangura chinangwa chebhuku racho ichiti: “Bhaibheri rinokurudzira vose vanoda Mwari ku“nzwisisa . . . kukwirira nokudzika” kwechokwadi chake chinokosha. (VaEfeso 3:18) Bhuku rino ndizvo zvarakagadzirirwa. Tinotarisira kuti richakubatsira kukura muzivo yaMwari uye kuti uve akashongedzerwa zviri nani kufamba mumugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu munyika itsva yaMwari yakarurama.”
Kana mudzidzi wacho akakodzera kubhabhatidzwa asati apedza mabhuku acho ose, chidzidzo chacho chinofanira kuenderera mberi kusvikira bhuku rechipiri rapera. Kunyange zvazvo mudzidzi wacho akabhabhatidzwa, mudzidzisi wake angashuma nguva, kudzokerazve, uye chidzidzo cheBhaibheri chacho. Muparidzi anenge abuda nomudzidzisi wacho angashumawo nguva yacho.