Bhokisi Remibvunzo
◼ Zvakakodzera here kuti mumwe weZvapupu zvaJehovha arapwe pachipatara chechechi kana kuchengetwa pamusha wevakwegura wechechi?
Masangano akasiyana-siyana ezvitendero ane zvipatara kana misha inochengeta vakwegura zvinorapa kana kuchengeta vaya vanenge vava nenguva refu vachirwara. Kazhinji, nzvimbo dzakadaro dzinenge dzisina kugadzirirwa kusimudzira zvinoitwa muBhabhironi Guru. (Zvak. 18:2, 4) Pakutanga nzvimbo idzi dzingave dzakatangwa nechinangwa chokuti sangano racho rechitendero riwane mari. Nhasi zvimwe zvipatara zvinongova nemazita ezvitendero chete, nepo pane zvimwe zvipatara mabasa akawanda anoitwa nevafundisi.
Kana mumwe weZvapupu zvaJehovha achida kutarisirwa pachipatara kana pamusha unochengetwa vakwegura, anofanira kuzvisarudzira oga kana achaenda kunzvimbo ingava iine chokuita nesangano rechitendero. Mumwe angabvumirwa nehana yake, asi mumwe angasatenderwa nehana yake kuti adaro. (1 Tim. 1:5) Pane mamiriro ezvinhu angaita kuti mumwe munhu asarudze kuenda kana kusaenda, uye zvakanaka kufunga nezvazvo.
Somuenzaniso, chipatara kana kuti musha unochengeta vakwegura zvine mazita echitendero zvingangove zviri izvo zvoga zviri pedyo munzvimbo yacho. Kana kuti kana paine chimwe chipatara pedyo, zvichida chiya chine zita rechitendero ndicho chingave chiine mukurumbira wokuita basa rakanaka. Chipatara chakadaro chine zita rechitendero chingave chiri icho chete chine michina yokurapisa chirwere chakati, kana kuti pachipatara pacho pangave pari ipo chete panobvumirwa chiremba wako kuti ashandirepo. Uyewo, dzimwe nguva zvipatara zvine mazita echitendero zvingaremekedza zvaunotenda somuKristu panyaya yokushandiswa kweropa, nepo zvimwe zvipatara zvehurumende kana zvevanhu zvingasaremekedza. Saka izvi ndezvimwe zvinhu zvokufunga nezvazvo paunenge uchisarudza chipatara chokuenda.
Kana ukasarudza kuenda kuchipatara kana kumusha une zita rechitendero, ungangozviona sokuti unenge wabhadhara sangano rinoitira vanhu mabasa chete. Ungangozviona serimwe remabhizimisi anenge achiitwa nesangano rechitendero, uye paunobhadhara mari kuti uitirwe basa unenge usiri kupa zvakananga mari yechipo yokutsigira chitendero chenhema. Unenge uri kungobhadhara chinhu chaunenge watenga kana kuti basa raunenge waiitirwa.
Zvechokwadi, somuKristu, mumamiriro ezvinhu akadaro unofanira kunyatsoona kuti haubatanidzwi mukunamata kwenhema kupi nokupi zvako. Uyewo, hauzoshandisi mazita okuremekedza akadai sokuti “Baba” kana kuti “Sisita,” kuvanhu vangave vachishanda kana kushanyira chipatara chacho. (Mat. 23:9) Unofanira kuva nechokwadi chokuti inongova nyaya yebhizimisi chete paunenge uchingoitirwa basa kana kurapwa, uye hazvipfuuri ipapo.
Paunopiwa mubhedha muchipatara chacho, ungataura kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha uye kuti unoda kushanyirwa nevakuru veungano vomunzvimbo yacho. Izvi zvichaita kuti utsigirwe nenzira yakakodzera mune zvokunamata paunenge uri muchipatara chacho.—1 VaT. 5:14.
Vemumhuri vari Zvapupu, vakuru nevamwe vomuungano yacho vanofanira kutarisira zvinodiwa pakunamata zvehama nehanzvadzi dzakwegura dzinogara mumisha inochengeta vakwegura, zvikurukuru kana iri yesangano rechitendero. Kungwaririra nyaya iyi kuchakurudzira zvikuru vakwegura vanenge vari munzvimbo idzi uye kuchaita kuti vasaerekane vabatanidzwa muminamato yechitendero, mhemberero, kana kuti zvimwe zvinhu zvakada kufanana zvinoitwa panzvimbo dzakadaro.
Tichifunga izvi, mumwe nomumwe anofanira kufunga zvose zvinobatanidzwa kwava kuzvisarudzira oga kuti oenda kuchipatara chipi kana kuti oshandisa musha upi unochengeta vakwegura.—VaG. 6:5.